UZ yopakura nyanzvi

Muchaneta Chimuka

VADZIDZI vepaUniversity of Zimbabwe (UZ) vari kushandisa hunyanzvi hwavo mukugadzira zvinhu zvinobatsira muupenyu semichina inocheka sora ichishandisa mabhatiri uye neruzivo rwunobatsira mukurwisa zvirwere muzvirimwa.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vevadzidzi ava kuZimbabwe Agricultural Show, iyo yakaitwa muHarare nguva yadarika apo vairatidzira hunyanzvi hwavo.

Tedious Choga uyo ari kuita zvidzidzo zvekunzvera maringe nezvirimwa (Plant Pathologist) ari kuchikamu cheCrop Science anoti akabudirira kuita ongororo maererano neutachiona hunowodza zvirimwa zvakaita sematomatisi.

“Ndakaona kuti matomatisi anokurumidza kuwora nekuda kweutachiona hunodaidzwa kuti ‘fungicides’ saka pane zvimwe zvinhu zvatakaona zvinobva mumimwe miti zvinoti kana tikazvifukidza nepurasitiki pamwe nematomatisi, haawori.

“Kureva kuti miti iyi ine anti-fungal compound uye takazviisa murabhoritari tikaona kuti zvedi, matomatisi haawore nekuda kwezvinowanikwa mumiti iyi,” anodaro.

Tafadzwa Kavhumbura, uyo ari kuita zvidzidzo zveElectrical Engineering paUZ, anoti akaita purojekiti yake yekupedzisira payunivhesiti iyi yekugadzira muchina unocheka sora (loan mower).

“Muchina wandakagadzira uyu unocheka sora uye haushandise magetsi asi bhatiri kana magetsi anobva muzuva (solar energy.

“Pandaiita purojekiti iyi, ndaiedza kuona kuti makanzuru edu angabatsirikana sei apo anosangana nematambudziko ekukura kwesora.

“Ndakaona zvakare kuti vamwe vashandi vanokuvara pamabasa vachidimbuka makumbo nemaoko apo vanoshandisa michina inocheka sora, iya inoita zvekusundwa nemaoko.

“Kuburikidza nemuchina uyu, njodzi dzose idzi handidzitarisire nekuti unoshandisa rimoti (remote) saka unofamba woga munhu akatogara zvake,” anodaro.

Tinashe Kadiki uyo ari mugore rekupedzisira achiita zvidzidzo zveComputer Science akagadzirawo muchina wemadiridziro unodaidzwa kuti Irrigation Nod.

“Muchina uyu une dhiramu rinopinda mvura iro rinenge rakabatanidzwa nemapaipi anenge achiburitsa mvura pashoma-pashoma ichienda kuzvirimwa.

“Une muchina zvakare unenge uchiverenga nguva nehuwandu hwemvura inenge yaenda kuzvirimwa.

“Izvi zvinobatsira murimi kuti azive huwandu hwemwando hunenge hwapinda muzvirimwa zvake uye madiridziro emhando iyi anoita kuti mwando ugare pasi uchitevedza midzi yezvirimwa kuti zvikure zvakanaka,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *