Ndichiri mhandara pa43

KWAMURI tete,
Makasimba here tete. Ndiri mudzimai ane makore 43 okuzvarwa, ndiri kuZvishavane munyika yaShe Masunda, mubhuku rokwa Gore Matava.
Muhupenyu hwangu handina kumboziva chinonzi murume panyika. Vose vaindipfimba vaingondisiya. Pane vaviri vakandiudza kuti chiso changu chinoita chemurume mukuru ane ndebvu chena panguva yekudanana. Amai vangu nyaya iyi vaiiziva uye zvakaitika ndiri mudiki. Amai vakashaya gore ra2013 vakandisiya ndiine dambudziko iri.
Ndambofamba asi nazvino ndiri ndoga uye mhandara izere. Ndibatsirewo kana paine vangazvigona ndatambura vehama

Judith.
Zvishavane.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru rinorwadza uye riri kusangana nevana vakawanda mukurarama. Vanonyengerwa nen’anga kuti ukashandisa mwana wako unobudirira mune chose chaunoita.
Sezvo wati amai vako vakafa, chiramba uchifamba asi uri wega, utsvage n’anga dzinopa mhiko dzakadaro ndidzo dzinokwanisa kubvisa izvozvo.
Chimboona vekusangano ren’anga reZINATHA vanokuratidza vane magwaro ekuita zvinhu izvi. Asi kana wagadzirwa wotosimba kunamata, famba wakashinga zvinoita uchitozoroorwa muzukuru.
Kunyora kwawaita hauna kutaura kuti baba vako unovaziva here. Kana usingazive kumusha kwababa vako dzimwe nguva zviri kubva kumusha kwababa vako.
Saka zvakakosha kuti uzive baba vako mumwe musi vanenge vaine zvavakazviitira kuti udaro.
Zvichida vaida kuti udzoke mumusha ubve kuna amai vako. Tsamba yako haina kujekesa zvizhinji.
Tete.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×