Abel Ndooka
AIMBOVE murairidzi weDynamos FC, Lloyd “Mablanyo” Chigowe, anoti sangano rinotungamira nhabvu yemuno reZimbabwe Football Association harisi kunyatsoita basa rekusimudzira vechidiki vane tarenda remutambo uyu.

Mablanyo — uyo akarairidza DeMbare mwaka wadarika asati adzingwa achizotsiviwa naTonderai Ndiraya — anoti nhabvu yevechidiki iri kudzokera kumashure sezvo pasina ari kuisimudzira.
Muhurukuro neKwayedza, Mablanyo anoti ari kushanda zvakasimba kusimudzira vechidiki izvo agara achingoita makore ese.
“Ini ndagara zvekubika vatambi vechidiki ndizvo zvandinogona, kubva kare ndaishanda ndichingobika vechidiki.
“Pandakaenda kuDeMbare chaiko, handina kumbomira ndaingobika vatambi vechidiki nekuti ndinoziva kuti vanoda kurakidzwa gwara sezvo varivo vatambi venhabvu vemangwana.
“Asi chiri kutirwadza ndechekuti hapana vari kudira mari kusimudzira vechidiki, kana iyo Zifa chaiyo hapana zvairi kuita.
“Hatisi kuti toda mari kubva kwavari kwete, asi zvekushandisa chete kuti vana vatambe nhabvu vane mayunifomu, mashutazi nemabhora chete,” anodaro Mablanyo.
Mablanyo kubva kare anozivikanwa nenyaya yekusimudzira vechidiki kusanganisira maYoung Warriors kumaUnder 17 uko aibika vatambi vakawanda.
Vatambi vane mukurumbira vakapfuura nemumaoko aMablanyo vanosanganisira Tinashe Nengomasha, Tawanda Muparati, Thomas Sweswe naNorman Maroto.
Mablanyo anoti kana nhabvu yevechidiki ikasakosheswa mutambo uyu hakuna kwaunoenda.
“Hatidi kunyeperana, nhabvu yevechidiki ndiyo inokosha kudarika zvimwe zvese nekuti tikasaikoshesa hapana zvatinenge taita.
“Ini ndadzoka kuzorairidza vechidiki uye ndichimira-mira kuti ndibatsire vatambi vakasiyana kuti vasimukire,” anodaro Mablanyo.
Mukushi wemashoko weZifa Xolisani gwesela anoti sangano ravo rinokoshesa zvikuru nhabvu yevechidiki.
“Isu nhabvu yevechidiki tinoikoshesa zvikuru uye titori nehurongwa hwekuti kutanga mwedzi unotevera pagove nemaJunior Leagues kumapurovhinzi akasiyana-siyana.
“Nhabvu yevechidiki tinoikoshesa zvikuru sezvo vechidiki vari vatambi vemangwana.
“Tinotori nezvekushandisa zvenhabvu zvevechdiki izvo tichavapa kuti vagoshandisa,” anodaro Gwesela.




