NDIMBORI KUMUNDA: MANYUCHI

Abel Ndooka
SHASHA yetsiva, Charles Manyuchi inoti pari zvino imbori kupurazi rayo kuChivhu uko iri kumbokohwa zvayakarima.

Manyuchi ange achifanirwa kubandana naMuhamad Sebyala wekuUganda musi wa4 Kubvumbi asi mutambo uyu wakamiswa zvichitevera gwara rakatarwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa kuti vanhu vatevedze iro rinorambidza veruzhinji kuungana uye kuti vagare kudzimba senzira yekuderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Naizvozvo mutambo waManyuchi naSebyala wakabva wamiswa uye uchazorongwa patsva kana matambudziko akonzerwa neCovid-19 aderera kana kuti apera.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Manyuchi anoti apo akamirira kuti “lockdown” idarike, iye zvino ambori kupurazi kwake kuChivhu uko ari kukohwa.

“Ndimbori kukohwa zvangu kupurazi kwangu, tiri mulockdown zvedu kudai. Ndiyo nguva yacho yandinomboenda hangu kumunda kwangu ndichimboona kuti basa riri kufamba sei,” anodaro muchinda anodada nekupotsera zvimbokoma uyu.

Kana lockdown yapera, vamiririri vake nevaSebyala vachagara pasi voronga rimwe zuva rekuti vaviri ava vazotambidzana zvematsenganzungu apo vacharwira mabhande eWorld Boxing Federation neWorld Africa Boxing Association Supreme Middleweight.

“Tiri kugara tichitaura neveWBA avo vakatiudza kuti lockdown ikapera pasi rose, tozoronga rimwe zuva rekuti tigomisidzana naSebyala.

“Saka tave kumirira kupera kwelockdown chete. Vakawanda vari mune zvemitambo vari kukanganiswa nekuda kwecoronavirus iyi,” akadaro Manyuchi.

Shasha iyi inoti gore rino ndiro rekutanga achirima pfuta (caster beans) uye iri kutarisira kupura mari nayo.

Manyuchi agara achipfuya mombe, mbudzi nembwa uye gore rino nderekutanga kurima caster beans.

Anoti mari yaanohwina kutsiva ndiyo yaari kushandisa kurima imwe achitangisa mabhizimisi akasiyana senzira yekuzvigadzirira ramangwana.

“Zvakakosha chaizvo kuti tigadzirire ramangwana redu uye tishandise mari dzatinenge tichiwana kugadzirira ramangwana kuitira kuti tisazotambudzika tisisiri kuita zvemitambo.

“Hazvifadze kuti mangwana vanhu vazenge vave kukunongedza vachiti uyo akamboita mukurumbira asi iwe usisina chauinacho. Saka ngatizvigadzirire remangwana redu uye tishandise mari dzatinenge tichiwana nemazvo,” akadaro Manyuchi.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *