Ndine dzungu: Hwindi

Malven Mugadzikwa
MUTYAIRI wekombi wekuendeswa kudare nemukadzi wake nenyaya yemendenenzi akachema-chema achiti haakwanise kubhadhara mari yekuriritira mhuri yake sezvo akambomira basa nekuda kwedambudziko rekunzwa dzungu.

Patience Mutandwa akaendesa Bright Mabonga kuHarare Civil Court achida mari yemendenenzi.

“Baba ava vakandiitisa vana vatatu ndokundisiya vava kuenda kune mumwe mukadzi. Dambudziko rava pakuti vafuratira mhuri yavo, havachadi kuchengeta vana, mutoro wose wava kwandiri.

“Inini wacho handina zvinondipa mari. Vana vanoda mari yechikoro, zvipfeko pamwe chete nekudya,” akadaro Mutandwa.

Akaenderera mberi achiti anoda $280 pamwedzi yekuchengeta vana.

“Pamari iyi ndipo pachabva yechikoro, yezvipfeko zvevana neyechikafu. Hapana mumwe munhu anondibatsira kuvariritira uye handiende kubasa. Mari iyi anoikwanisa nekuti anotyaira makombi achiwana mari yakawanda pamwedzi. Izvi ndinozviziva nekuti ndakambogara naye ndichiona mari yaaitambira,” akadaro Mutandwa.

Mabonga akaudza dare kuti mari yakataurwa iyi haaikwanise sezvo aine imwe mhuri uye anorwara saka haachaenda kubasa.

“Mhuri yangu ndinoda kuriritira asi mari ndipo pasina. Kubasa ndaienda asi pari zvino ndakambomira nekuti ndine dambudziko randakasangana naro.

“Ndiri kunzwa dzungu zvekuti chero basa rangu rekutyaira ndakanzi nachiremba ndimbomira, saka zvinhu zvangu zvese zvakamira. Dai risiri dzungu ndichitochengetawo vana vangu.

“Mari yataurwa iyi handiikwanisi nekuti ndiri kutochengetwa nemukadzi wangu uyo anoita basa rekudzidzisa uye ndine mhuri naye inoda kuchengetwawo neni zvakare. Mukadzi uyu anoda mendenenzi kubva kwandiri asi vana anovarambidza kundiona uye haadi kuti ndiende kumba kwake,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Mabonga abhadhare $70 yemendenenzi pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *