‘Ndini ndakaba makerotsi’

Muhamed Komboni
MURUME wekwaMutare akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuba migomo mina yemakerotsi pane rimwe purazi reko.

Munyaradzi Mabvengwa anobvuma mhosva iyi paanomiswa pamberi pemutongi Purity Gumbo wedare reMutare Magistrates Court.

Muchuchisi Aaron Nyamasoka anoudza dare kuti nemusi wa6 Kukadzi gore rino, Mabvengwa akaenda papurazi raChigodora ndokunoba migomo mina yemakerotsi. Mabvengwa akazobatwa ndokuendeswa kumapurisa.

Achipawo divi rake mudare, Mabvengwa anoti akapara mhosva iyi sezvo achitsvaga kurarama.

“Ichokwadi ndini ndakaba makerotsi, ndaidawo kurarama sezvo upenyu hwakandiomera. Ndakaba migomo mina izvo zvakazoita kuti ndibatwe.

“Chinangwa changu chaiva chekuti ndizotengesa makerotsi aya kuti ndigowanawo chouviri. Mambo wangu, handisi kuramba mhosva iyi, ndini ndakaita izvi,” anodaro Mabvengwa.

Mutongi Gumbo akayambira Mabvengwa kuti asiyane netsika yekuita ruoko rurefu sezvo zvichizomupinza panguva yakaoma.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *