Ndini ndakamusota: Mukadzi

Kingstone Mapupu —
SHEILLAH Mahari (33), mudzimai waJoseph Mwale — murume wekuChitungwiza uyo ari kubuda majuru nemasvosve achitevera sezvinoita vanhukadzi —anotsinhira kuti akaenda kun’anga akanogadzira murume wake.

Pakasvika munyori uno pane imwe nzvimbo paive naMahari nemurume wake muguta reHarare, mukadzi uyu akatanga kudya marasha achipopota.

“Iwe zipfambi (kureva Mwale), ndiwe wauya nemutori wenhau kuti ndigoburitswa mupepanhau? Zvakazokuwanaka, waifunga kuti zvinobhadhara? Zvino yawaivimba nayo rwava rwizi rweropa, tione kuti uchadanana navo sei vakadzi vacho,” anodaro Mahari achituka murume wake.

Mushure mekudzikamiswa nemunyori uno, mudzimai uyu anobvuma kuti akaenda kune imwe n’anga uko akanopihwa mushonga wekugadzira murume wake.

“Uyu murume wangu wemakore 15 uye tine vana 4, asi ipfambi yemakoko. Saka takamboedzawo kuidzikamisa nemishonga. Inguruve yakazvikanga nemafuta ayo.”

Mahari anoti akaenda kun’anga iyi katatu akanopihwa mushonga waiva wakatsvuka uyo akanomwaya pamusiwo wemba yavo yekurara, muzvipfeko zvemukati zvaMwale nedzimwe mbatya achiteketera zita nemutupo wemurume wake.

Mahari anoti akazoenda kunoratidza murume wake n’anga yaive yamupa mushonga uko ava kurapwa.

“Ari kurapwa ehe, takaenda tose. Dzimwe pfungwa ndinoti dai amboramba akadaro,” anodaro.

Mwale akakumbira ruregerero kumudzimai wake pamberi peKwayedza achitoda kusvimha misodzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *