Ndinobata mimba dzichingobva

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano?
Ndiri mukadzi ane makore 27 ekuzvarwa uye ndakawanikwa makore matatu adarika. Ini nemurume wangu takatorana nemuchato uye ndakakurira kumusha kwaamai vangu uyuwo murume wangu ndokukurira kumusha kwaamai vakewo. Kave kechitatu ndichibata pamuviri pachibva, zvekuti ini nemurume wangu hatichaziva zvekuita. Chingave chii chiri kuitisa kuti tisabatewo mwana mumba medu. Tafamba kwakawanda asi hapana rubatsero rwatiri kuwana. Ndava kutoshushikana kuti murume haazofungi pfungwa dzekutsvaga mumwe mudzimai here. Ndibatsireiwo tete.
Joyce Pasika.
Marondera.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru makamboenda kwachiremba here ukaongororwa nekuti wangoti “takafamba kwakawanda” asi hauna kunyatsobuda pachena kuti makaenda kupi. Kana musina, endai kwachiremba muri vaviri monogara naye pasi achikutsanangurirai zvinofanirwa kuitwa. Nhumbu painobata paya pane zvinoitwa muzukuru zvekuti unosvika pakubatsirwa usina kana kumbonetseka. Musaomera mari, endai monyatsotevedza zvinenge zvarehwa nachiremba. Munotozoona kuti mari yamuri kufambisa kwakawanda iyi inotozobatsira pazvimwe zvinhu. Onai chiremba nekukasika.
Tichitarisa rimwe divi, tisingadi kurasa chivanhu chedu, imwe nyaya inokonzeresa kudaro ndeyekuti vemumusha maunenge wakurira vanenge vachida kupihwa chinonzi chiredzwa chekukuchengeta kwavanenge vakaita. Angave ari mwana mukomana chaiye anenge achifanirwa kubvisirwawo chiredzwa.
Nyaya iripo muzukuru kana pahuviri hwenyu mose mamakachengetwa kumusha kusiri kwenyu. Endai munobvisa mombe dzechiredzwa nokuti mukadzi anogona kuita munyama wekumera sare otadza kubata mwana, kubudikidza nekugunun’una kwavanhu vakakurera vachida chiredzwa. Iri ndiro zano randingakupai vazukuru wangu, kuti endai munobvisa mombe dzinotsika sekutenda kurerwa kwamakaitwa navana ambuya venyu.
Chiredzwa hachibhadharwe nemari asi kuti panotodiwa mombe inotsika chete. Mungwarire kuti hapana kana mishonga inoshandiswa apa, kungotevedza chivanhu chedu nekuti hapana nyika isina chivanhu chayo.
Tete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×