‘Ndinogona kutsvagira mwana vamwe baba’

MURUME wekuchema-chema mudare achiti murombo zvekuti dai mweya wekufema waitengeswa angadai akafa kare, akabuda mudare umu achinyemwerera mushure mekunge chikumbiro chake chekuti mari yemendenenzi yaari kubhadhara idzikiswe chatambirwa.

Problem Makumba akazvuvira Tracy Shambo kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi idzikiswe sezvo achiti ari kurarama nezvikwereti.

“Ndiri kurarama muzvikwereti, ndiri kutoshandira mari dzevanhu dzandinadzo. Handina chandinokwanisa kumupa kuti achengete mwana, otoona zvekuita,” akadaro Makumba.

“Handina kana kobiri randinaro, dai mweya wekufema waitengeswa ndakafa kare. Mari yandaimbokupa yese ndichikuchengeta nemwana yaiva yezvikwereti, ndizvo zvandava kushandira uye kupera kwazvo kufa kwangu.

“Shamwari hadzichandida nekuti ndanyanya kukwereta, handina pekutangira ini. Kana zvikaramba zvichinetsa ndicheke-cheke hako.”

Shambo haana kuwirirana nezvainge zvataurwa naMakumba ndokuti:

“Iwe haungati kubva pa$150 woti hauchachengeta mwana. Kana usingade mwana ndingatotsvaga baba anoda kutichengeta wobva wasiyana neni.

“Zvikwereti zvei zvaunotaura? Murume chaiye haataure zvauri kutaura izvo, chengeta mwana. Kana usingade ibva wareva iye zvino, handidi zvekutambisirwa nguva ndichiri kutemwa dzinobva ropa ini. Usade kuita hutsotsi.

“Zvikwereti zvipi zvaunotaura, nekuti uri kunzi chengeta mwana? Kana ukasandipa mari variko vari kutokambena kuda kuita baba vemwana uyu, chimbwende chemurume.”

Mutongi Babra Masinire akapa mutongo wokuti Makumba abhadhare $70 pamwedzi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×