‘Ndinoita kuti uzvionere muroyi’

Abel Ndooka
PROPHET Miracle Paul vechechi yeNew Revelations Ministries vanoti vane tende iyo inonzi Abraham’s Tent ine simba rekuratidza munhu muroyi anenge achimushandisira mushonga kuti asabudirire muupenyu hwake.

Muporofita uyu ndiyezve anozviti ane “hanger” inoita kuti vari muwanano vasiyane nekusavimbika nekuti vanhu vadzose zvikwereti.

Vachitaura neKwayedza svondo radarika kukereke yavo iri kuChitungwiza, Prophet Miracle Paul, vanoti, “Abraham’s Tent iyi iTV yezvemweya inokuratidza muroyi anenge achikushandisira mishonga.

“Isu semaporofita, ibasa redu kubatsira vanhu tichivanunura mumatambudziko avanenge vachisangana nawo. Saka tinovaratidza kuti kushushikana kwavanenge vachiita kunenge kuchikonzerwa nei,” vanodaro.

Vanoti kana munhu auya kuchechi kwavo, vanomunamatira, vomuti apinde mutende reAbraham’s Tent umo anozvionera oga zvinenge zvichiita muupenyu hwake.

“Ndakatumwa kuzoshumira shoko nekununura vanhu. Saka handikwanise kuti ndipomere munhu kana kunongedza kuti uyo muroyi kana kuti uyo haasi asi kuti anozvionera oga munhu anenge achimushandisira mushonga.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *