‘Ndinorohwa nesmall-house, munotondinzwira tsitsi imi’

Amager Mufema

MUMWE murume anoti shamwarikadzi yake inomurova pamberi pevamwe vaanoshanda navo uye kumutyisidzira ichiti ichamuuraya.Walter Ngwashira akamhan’arira Tatenda Chiora kuHarare Civil Court.

“Ndatambudzwa neshamwarikadzi yangu iyi, handichina mufaro.

“Tatenda ane tsika yekuti ndikasamufonera anonditumira mameseji nekundifonera achiti, ‘Uri kuregererei kundifonera pose-pose pandinoda? Saka ndinoda kukuuraya’,” akadaro Ngwashira.

Akaenderera mberi achiti anotukwa nekurohwa naTatenda kubasa kwake pamberi pevamwe vaanoshanda navo.

“Ndinorohwa zvekuti vanondiona vanotondinzwira tsitsi. Anouya kubasa kwangu achindituka nekundirova pamberi pevakuru vangu zvekuti ndave kutotya kuti ndichadzingwa basa. Akasvika ndisipo pabasa anotanga kufona pafoni yekubasa zvekuti ndakatopihwa yambiro yekudzingwa basa,” akadaro Ngwashira.

Chiora akapokana nechikumbiro chaNgwashira achiti haamurove asi kuti vanonetsana nenyaya yekuchengeta mwana wavo.

“Ndinopokana nechikumbiro chaNgwashira, ndinomutuka ipapo ndinobvuma. Asi zvimwe zvose zvaataura ndoti inhema. Pandinoenda kubasa kwake ndinenge ndichida kumuudza kuti mwana ave kuda chekudya kana kuti ari kurwara,” akadaro Chiora.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Ngwashira gwaro redziviriro ndokuti kana Chiora achida mari yekuchengeta mwana anoenda kudare rinoona nezvemendenenzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *