Ndinotamba mitambo yekare: Ndlovu

Abel Ndooka
MUTAMBI wenetball weGlow Petroleum Queens nechikwata chenyika chemaGems — Ursula Ndlovu — anoti mukukura kwake aifarira zvikuru mitambo yakasiyana kusanganisira yechinyakare yakaita semaflau nearawuru uye nanhasi achiri kuitamba.

Ndlovu anoti paanenge asiri kubasa kwake kwaanoshanda achiita zvekudira mafuta edzimotokari kana kutamba netball, anotombotamba maflau nearawuru nemwana wake uye neshamwari dzemwana wake. “Ndichikura, pamitambo yechinyakare inozivikanwa ini ndaifarira zvikuru maflau nearawuru, iyo ndaigona nekuti mitambo yandaidisisa.

“Nanhasi chaiye ndikaona mwana wangu, Mitchell, achitamba neshamwari dzake mitambo iyi, ndinototanga kutamba navo uye vanotozvifarira,” anodaro Ndlovu.

Anoti kutamba kwaanenge achiita nevana inzira yekukurudzira mwana wake neshamwari dzake kuti vakoshese mitambo iyi sezvo ichizogona kuvabatsira mune remangwana.

Ndlovu anoti achikura, paaitamba maflau nearawuru ndipo paakatanga kuona kuti ane chipo chekumhanya zvikuru izvo zvakazomuona achikwikwidza mumijaho yekumhanya yakasiyana.
Anoti kutamba nemwana wake neshamwari dzake zvaitawo kuti aone kuti Mitchell ane chipo chekumhanya saiye.

“Pandave iye zvino haisisiri nyaya yekuti ndinofarira manhingi kutamba maflau nearawuru asi ndinenge ndichitodzidzisa mwana wangu neshamwari dzake kuti zvemitambo zvine pundutso muhupenyu.
“Ini kukura kwangu dai ndisina kutamba mitambo iyi ndisina kusvika pandave nhasi. Ndakwanisa kufamba kuenda kune nyika dzakawanda nekuda kwekutamba netball.

“Asi zvakatangira pakutamba maflau nearawuru,” anodaro Ndlovu.

Veruzhinji vanoziva Ndlovu ari mumwe wevatambi vemaGems vakanyora nhorowondo kuve chikwata chekutanga kuenda kunokwikwidza kumutambo weVitality World Cup kuLiverpool, England mugore ra2018.

Kumutambo uyu, Ndlovu mumwe wevatambi vemaGems vakatamba zvinonwisa mvura.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×