Ndinotenda vatsigiri: Holloway

MAX Holloway akatenda Conor McGregor nevatsigiri vemutambo weMMA nemashoko esimbaradzo avaimutumira zvichitevera kubuda kwaakaita mumutambo weUFC 226.

Shasha yeFeatherweight iyi ange achifanirwa kurwira kuchengetedza bhande rake svondo rino apo aitarisirwa kurwa naBrian Ortega mumutambo mukuru.

Asi haacharwe nekuda kwehutano hwake sezvo ange achinzwa dzungu, kunyangwe hazvo mutambi uyu asati anyatsoudzwa kuti chii chaizvo chiri kumukanganisa.

McGregor, uyo akakunda Holloway apo vaviri ava vakasangana mugore ra2013, akatumira shasha iyi inozivikanwa se145-pound king mashoko paTwitter.

Chizvarwa chekuIrish ichi chakanyora kuti, “Pfungwa dzangu uye rukudzo ndinorupa kuna145lb champion Max ‘Blessed’ Holloway”.

Zvakarakidza kuti Holloway akatenda zvikuru nerutsigiro rwaakawana izvo zvakazomutuma kutenda vatsigiri vake paInstagram ndokuvatumira mashoko aya.

“Ndizvo zviripo uye ndizvo zvatave kutoita. Rukudzo rukuru kunaOrtega nechikwata chake. Ndinokutendai mese vatinoshanda navo nekukoshesa hutano hwangu.

“Ndiri kukuonai mese. Kune vatsigiri ndinoziva kuti rwendo urwu runorwadza harwo asi ndinoziva kuti chikwata change chiri kushanda nesimba panyaya yacho.

“Chandinokwanisa kutaura inyaya yekuti ndine hurombo hukuru uye ndinovimba kuti ndichadzoka zvakasimba mumutambo uyu manje-manje, handisati ndapera ndicho chokwadi,” anodaro. — SportsMail UFC

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *