Ndiri kudzoka: Gwekwerere

Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa munhabvu –  Evans Gwekwerere – anoti haasati apera uye ane tarisiro huru yekuti munguva pfupi inotevera achadzoka zvakare kuzotamba mutambo uyu.

Zita rekuti Gwekwerere rinounza ndangariro zhinji kuvatsigiri venhabvu, kunyanya veDynamos FC nekuti mutambi uyu akanetsa zvikuru achiri mudiki.

Gwekwere apo akange asati ambotamba mitambo yakawanda muno, akabva atengwa nezvikwata zvekuSouth Africa nekuda kwetarenda rake iro raidakdza mumutambo uyu.

Asi makore akazotevera akaona mutambi uyu achingotenderera kuzvikwata zvizhinji achishaya chaakambonyatsogara kuti anyoumbwa tarenda rake, izvo vazhinji vanoti zvakakonzereswa nekukurumidza kuenda kwaakaita kunyika yeSouth Africa.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro naGwekwerere ichida kuziva kuti ari kumboitei chaizvo mazuva ano zvichitevera kunyarara kwaaita kwenguva yakareba.

“Ndichiripo wena, ndiri kugadzirira ndega zvangu nekuti ndinoda kudzoka kuzotamba zvakare nhabvu.

“Saka pakauya dhiri rinofadza chaizvo rekuti nditambe uye pakaita chikwata chinondida, ndiripo kuti ndichibatsire,” anodaro Gwekwerere.

Asi mubvunzo uchange uri pamiromo yevatsigiri venhabvu ndewekuti Gwekwerere – uyo ave nemakore 34 okuberekwa – achakwanisa here kutamba nhabvu yepamusoro seyaaitamba mugore ra2006 apo aive ane makore 21 okuberekwa?

Panguva iyi, muchinda uyu akanetsa zvikuru achitambira DeMbare apo ainwisa bhora zvisina mukare akamboona.

Gore iri, chikwata cheDynamos chainge chine vatambi vatsva vanosanganisira Gwekwere zvichitevera kutizwa kwachainge chaitwa nevatambi vazhinji.

Gwekwerere – uyo aisambozivikanwa munyaya dzenhabvu – akaonekwa achiita mukurumbira nekuda kwetarenda rake mumutambo uyu.

Mugore ra2016, mutambi uyu akamboedza kudzoka kuDeMbare uko akambopihwa mumwe mukana naPaulo Jorge Silva aive murairidzi wechikwata ichi asi haana kuzosvika kure achitamba.

Gwekwere anoti anoti anokwanisa kunyora nhorowondo seyaakanyora achiri nemakore 21 okuberekwa.

“Ndinovimba netarenda riri mandiri uye ini ndega ndini ndinokwanisa kuzviita zvakare zvakandipa mbiri mugore ra2006 apo ndaizunza mambure ndichitambira DeMbare.

“Hapana chinonditadzisa kana ndikashanda nesimba,” anodaro.

Kunyangwe hake achiti ane shuviro yekuramba achitamba nhabvu, Gwekwerere anoti ave nemagwaro ekurairidza mutambo uyu eLevel Two.

Anoti aimborairidza FC National Mbare iyo inokwikwidza muNorthern Region Division One asi akasiya uye iye zvino ari kutsvaga chimwe chikwata chekurairidza pamwe nechekutambira zvakare.

Anoti shuviro yake ndeyekubatsira vechidiki vari kusimukira munhabvu uye achitamba achivarakidza kuti zvinoitwa sei.

“Ndine mapepa angu ekurairidza nhabvu saka ndange ndichirairidza muDivision One chikwata chinonzi FC National Mbare, asi ndakasiya hangu. Iye zvino ndiri kutsvaga chimwe chikwata chekurairidza.

“Zvakadaro, ndichiri kunzwa ndega kuti mumakumbo zvichirimo. Ndichiri kuda kutamba nhabvu saka ndiri kushanda ndega zvakasimba ndichigadzirira kudzoka kwangu kuzotamba zvakare,” anodaro.

Panguva yake achiri kupisa, shasha iyi yakakwanisa kutambira zvikwata zvemuno zvinosanganisira Dynamos FC neCAPS UNITED ndokuzonotambira Moroka Swallows, FC Azziz Kara neJomo Cosmos dzekuSouth Africa, Hai Phong yekuVietnum, Township Rollers yekuBotswana neFerroviaro de Maputo yekuMozambique.

Anoti akakwanisa kuwana zvakawanda kuburikidza nemutambo uyu, kunyangwe hake asina kuda kudura kuti akawana chipi nechipi.

 

Related Posts

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Mai Nyamande vodzidzisa vechidiki . . . vakaimba kambo ‘Waita Mari’ naTocky Vibes

Abel Ndooka MUIMBI wechitendero Sidiya Sande, uyo anonyanya kuzivikanwa saMai Nyamande, akabura dambarefu rake rokutanga rinonzi “Waita Mari”, iro rinodzidzisa vanhu kuti vazvininipise. Dambarefu iri rine nziyo dzinosanganisira “Waita Mari”,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×