‘Ndiwe wakandibvisisa chibereko changu’

VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati aida mendenenzi kubva kumurume akange amupa pamuviri mwana ndokuzofira mudumbu izvo zvakazoita kuti abviswe chibereko.

Melody Madziva akaudza dare reHarare Civil Court kuti aida $100 yemendenenzi kubva kuna Mtokhozisi Malinga.

“Changamire, ndiri kukwangwaya nekushaya pekubata nekuda kwekusiiwa kwandakaitwa nababa ava.

“Chinorwadza ndechekuti havasi kana kumbondichengetawo asi vanozviziva kuti utano hwangu hwava kunditadzisa kana kuita chinhu kubva panguva yandakaita mwana akafira mudumbu,” akadaro Madziva.

“Chandinoona ndechekuti ave kundisiya nenyaya yekuti pandakaburitswa mwana uyu mudumbu ndakabva ndabviswa chibereko zvekuti nguva iyoyo ndakambogara nevabereki vake avo vakazonditi ndimutevere kuno kuHarare uko akabva asvikondiramba.

“Ngaandipe mari nekuti hapana kana chandichagona kuita, zvikuru sei basa rakaoma,” akadaro Madziva.

Malinga akati haana kana kumbobvira agara naMadziva nekudaro hapana chikonzero chinomugutsa chekuti abhadhare mari iyi.

“Ndinopokana nezviri kutaurwa namai ava. Mendenenzi inofanirwa kupihwa vana asi ini handina mwana naye, takatosiyana nekudanana kwataiita kare uye handina kumbobvira ndamuroora. Iye haana kuremara saka ngaazvichengete, kana asingakwanise kuita mabasa anorema ngaaite asingaremeka kwete kuda kundishandisa,” akadaro Malinga.

Madziva akabva amugamha achiti:

“Ndiri kutadza kuita zvinorema chikonzero ndakabviswa chibereko nekuda kwako nekuti ndakanga ndakatakura nhumbu yako saka unofanira kuwana zvekuita kundibatsirawo.

“Iko zvino ndinofanira kupota ndichitenga mishonga. Unoti mari yacho ndoiwanepi iwe usina kana kobiri raunondiyamura naro?”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati vaviri vadzoke kudare zvakare apo aizopa mutongo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×