‘Ndoda ropa remunhu’

Tatenda Shuro
VANHU vaive mudare vakakahadzika zvikuru apo mumwe mukomana akati mukoma wake anogara achimutyisidzira kuti anoda ropa remunhu uye kuti achamuuraya.

Nyowani Chikutula akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekumhan’arira Godknows Chikutula.

“Mambo wangu, uyu mwana waamai vangu mutevedzani wangu uye tinotogara tose kuMbare paimba yaambuya vedu asi andishaisa mufaro. Anoti akadhakwa, ondituka zvinonyadzisira uye ari kundityisidzira hanzi ndiri kutoda ropa remunhu pano uye ndiri kuda kukuuraya,” anodaro.

Nyowani anoenderera mberi nekuudza mutongi Noah Gwatidzo kuti, “Akandipwanyira zvinhu zvangu zvandinoshandisa pabasa pangu akazvipisa izvo zvaita kuti ndiuye kuno nhasi sezvo anditambudza. Ndatove munhu ave kurarama mukungotya saka ndinokumbirawo mundibatsire negwaro redziviriro nokuti handizive zvaanondifungira.”

Godknows anoti ane dambudziko nechikumbiro chemukoma wake.

“Ndinopokana nechikumbiro chamukoma nokuti pavari kuti ndakavarova vanoreva nhema. Handisati ndambovarova uye handingarove mukoma wanguka, handipenge ini,” anodaro.

Anoti haana kumbobvira apisa zvinhu zvaNyowani zvaanoshandisa pabasa rake asi kuti akapisa mapuranga aakaona akaraswa.

“Mumwe musi ndakaona mapuranga aanoshandisa mukuita basa rake ari patinorasira marara ndokuvesa moto nawo sezvo ndaifunga kuti araswa. Ndakatozoshama pachiuya mapurisa ayo akandirova chaizvo,” anodaro.

Godknows hapana zvaakataura pamusoro pemashoko aNyowani ekuti anoti ari kuda ropa remunhu uye kuti anoda kumuuraya.

Mutongi Gwatidzo akapa Nyowani gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *