‘Rega ndimbokechwa zvangu ini’

Milcah Nhakura
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa zvikuru apo mumwe musikana akati ari kurwadziwa nezviri kuitwa nemukadzi muvakidzani wavo zvekumurambidza kuita zvevakomana uye kusasanana navo pamadiro.

Izvi zvakabuda apo Tariro Kamikwende (20) ainge amhan’arira Faith Sekeramai kuHarare Civil Court.

“Chikumbiro changu kudare rino ndechekuti amai ava vamire kundirambidza kuita zvevakomana. Vanonditsvaga kuti ndiri kuita nezvei, vonditi usaite zvevakomana vachiti ndiri mwana mudiki. Inini handidi zvekutongwa,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Ngavandisiye ndimbonakidzwa nekuti upenyu ndehwangu uye handidi zvekuudzirwa zvekuita. Havangandirambidze kuita zvinhu zvinondifadza, ngavandisiye.”

Sekeramai anoudza dare kuti Kamikwende anomutora semwana wake nekudaro zvinomurwadza kumuona achiita misikanzwa.

“Mwana uyu ndinomuona semwana wangu, saka zvinondirwadza kumuona achiita misikanzwa seyaanoita. Semunhu mukuru, zvinondikanganisa.

“Ane makore 20 asi akatanga kuita zvebonde ari Fomu 1 zvinova zvinhu zvinonyadzisa kuti mwana wezera rake ave kuziva zvekurara nevarume,” anodaro.

Sekeramai anoti anogara achitsvaira makondomu anenge akashandiswa pachivanze chavo.

“Ndinotsvaira makondomu anenge akashandiswa pachivanze mangwanani, anoita tsika yekuti mukomana wake akauya manheru, ndinonzwa ruzha.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Kamikwende gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *