Ndoroorwa nemurume uyu here?

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri musikana ane makore 20 okuzvarwa. Dambudziko rangu rakamira seizvi: Ndine mukomana wandiri kudanana naye uyo akambenge akaroora uye ane vana vaviri. Vabereki vangu havasi kuzvitendera kuti ndiwanikwe nemukomana uyu vachiti anogona kuzodzokerana nemudzimai wake ndikazove pabarika, sezvo vari vanhu vakamboita vana vose. Ndoitawo sei tete ini mukomana uyu ndanga ndamuda hangu? Ndorega kuterera vabereki here? Ko zvikazoita sezvavari kutaura ndinochema naniko?

Nyarai.

Chitungwiza.

MHINDURO:

Maonero angu muzukuru ndeekuti iwewe uchiri mhandara uye makore ako achiri mashoma. Uchine nguva yekumbodzidza, wozotsvagawo jaya rako apo uchimbozvishandira kubasa.

Ko iwe muzukuru wanyanyoshayei kuzoda murume wemunhu uye ane vana vake? Vakomana vapera here nyika ino yose iyi?

Kazhinji vanhu vakamboita vana vose kashoma kunyatsoregedzana. Zviri kutaura vabereki wako ichokwadi muzukuru, vanhu vakuru vaona zvakawanda mukurarama kwavo. Nyatsotora nguva yako nekuti kumhanya handi kusvika, usanyengerwe nezvinhu nekuti chikuru rudo uye kuti munozogara zvakanaka here muwanano yenyu nemurume uyu pasina kuzovhiringidzwa nemudzimai wake wekutanga. Ini ndiri kuti zvipe nguva, usamhanye asi kuti chimbodzikama uchinyatsotsvaga wako.

Tete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *