Ndovaita sei amai vangu?

MAKASIMBA here Tete Chipangamazano? Ndiri murume ane makore 30 okuzvarwa uye ndakaroora makore matatu adarika. Tine mwana mumwe chete nemudzimai wangu. Dambudziko rangu tete nderekuti amai vangu nyakubereka ndivo vatove musoro wemba yangu.

Kuita kwavo kwave kutondikanganisira mararamiro angu nemudzimai wangu. Vanogara kumba kwavo asi svondo rega-rega vanouya vachirara kumba. Pose pawanouya mumba medu munobva mashaya mufaro, ndivo vanobva vatanga kubika, kutsvaira mumba, vachirongedza zvinhu pavanoda uye kuwacha hembe nedzemwana.

Pavanodzokera vanosiya vapa mitemo, vachiti pavanodzoka vanoda kuwana zvavanosiya vataura zvaitwa. Ndodii naamai vangu tete? Ini handisisiri mwana mudiki, tiri vakomana vatatu, inini ndiri wepakati.

Johanese.

Mabvuku.

MHINDURO:

Dambudziko rako rinorwadza muzukuru wangu. Kune vabereki vasingade kurumura vanakomana vavo zvisinei nekuti vanenge vakura. Zano randingakupa nderekuti utaure nehanzvadzi dzaamai vako kuti ndizvo zvavari kuita. Ndivo vanotokwanisa kuvatsiura nekuti ukavatsiura iwewe unopara ngozi ukazoguma wotanda botso.

Tete.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×