Ndufu dzemadzimai, vana pakubara dzaderera

Muchaneta Chimuka

NDUFU dzemadzimai nevana panguva yekubara dzinonzi dzakaderera nechikamu che21 percent kubva mugore ra2015 kusvika 2024, hunova umbowo hutsva hwakabudiswa mugwaro reZimbabwe Demographic and Health Survey (ZDHS) 2023 – 24.

Ongororo iyi, iyo yakaparurwa muHarare munguva pfupi yadarika, inoratidza kuti ndufu dzemadzimai nevana dzakaderera kubva  pa462 pavana 100 000 avo vanobarwa vari vapenyu mugore ra2015  kuenda pa363 muna2024.

Kureva kuti ndufu idzi dzakaderera nechikamu chinosvika 21 percent zvinova zvakatambirwa nemaoko maviri neHurumende uye veruzhinji.

Zvisinei, pachine kukomekedzwa kwekuti girafu iri rirambe richidzikiswa sezvo pane mikaha yakawanda munyaya dzezveutano.

Mihaha iyi inosanganisira kuwaniswa kwezvekushandisa muzvipatara nekuvarapi, kuderera kwemari yerutsigiro iyo yaibva kunze nekuwanda kwezvirwere zvisina zviratidzo zvinooneka.

VaStephen Banda vanova Chief Director wePolicy Planning, Health Informatics, Monitoring and Evaluation kubazi rezveutano nekurerwa kwevana vanoti kuderera kwendufu dzemadzimai nevana panguva yekubara uku kwakavapo nekusimudzirwa kuri kuitwa chikamu chezveutano munyika.

“Hurumende iri kuramba ichidzidzisa nyanzvi dzinoona nezvekusunungutsa madzimai (vananyamukuta) nehuwandu hwavo kuitira kuti mudzimai wese anosvika pachipatara achida kubara anobatsirwa nenguva. Zvisinei, tiri kushushikana nehuwandu hwevarapi avo vari kudzidziswa munyika muno asi vachizopera kuenda kunoshanda kune dzimwe nyika,” vanodaro.

Mai Tafadzwa Bandama vanova Director General weZimbabwe National Statistics Agency (ZIMSTAT) vanotsinhira nezvekuderera kwendufu dzemadzimai nevana panguva yekubara.

Vanoti izvi zviri kufambirana nemabasa makukutu ari kuitwa neHurumende nevatsigiri vakasiyana mukuona kuti madzimai awaniswa nzira kwadzo dzekurera mhuri uye kudya kune utano kuvana.

“Zvisinei nebudiriro iyi, tichiri kuona pachine huwandu hwevana vari kufa uye madzimai akawanda haasi kuenda kunonyoresa nhumbu dzavo kuzvipatara. Saka hatisi kunyatsoona shanduko kubva paongororo yakaitwa mugore ra2015. Pachine basa guru rekuti dzidziso isvike kuvanhu maringe nekukosha kwekunyoresa nhumbu muzvipatara nemakiriniki nekuti vamwe vanotozoenda kuzvipatara kana nhumbu dzichinge dzarwadza vasina kuvhenekwa zvimwe zvirwere zvakadai seBP,” vanodaro.

Mai Janean Davies vanova USAID Mission Director vari zvekare mumiririri kusangano reUNAIDS vanoti panoda kusimbaradzwa matanho ekudzivirira kufa kwevana nemadzimai panguva yekubara.

“Munhu wese anotakura nhumbu anotarisirawo kuti azobata mwana wake saka zvinorwadza kuti kubva mugore ra2015 tine chikamu chevana vari kufa  panguva yekubarwa. Ongororo iyi inotibatsira kuti tirodze pfungwa dzedu senyika tiite tsvakurudzo yekuti chii chiri kukonzera kuwanda kwendufu dzevana uye zvii zvingaitwa kuti dziderere,” vanodaro.

Mumiriri wesangano reUNFPA muZimbabwe, Mai Miranda Tabifor vanoti vanofara nekuderera kwendufu dzemadzimai panguva yekubara asi hakusi kunyatsofadza sezvo chiri chikamu chidiki.

“Hurumende ine chinangwa chekuderedza ndufu dzemadzimai pavana 100 000 vanobarwa vari vapenyu kuti dzisvike pa70 mugore ra2030. Saka tichine basa guru rekuona kuti zvipatara zvawaniswa zvikwanisiro uye varapi vawaniswa ruzivo nemihoro yakakwana nekuti iwo madzimai aizive kukosha kwekubarira muzvipatara,” vanodaro.

Ongororo yeZDHS yakaitwa pakati pemwedzi waZvita 2023 – naChivabvu 2024 uye yave yechinomwe kubvira kutanga kwayakaitwa mugore ra1988.

Ongororo iyi yakaitwa mudzimba 11 000 apo chikamu chevanhu 99 pecent chakapa mhinduro dzinosanganisira huwandu hwevana, nzira dzekurera mhuri, kwavakasunungukira vana, mhando dzechikafu chavanodya uye kuzeya ruzivo rwavo maringe neHIV neAIDS.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×