Makororo hutu neUS$500 000

Munyori weKwayedza

MAKORORO mana aive akapakata akaba US$500 000 pamwe chete nemidziyo mune chimwe chitoro chiri pakati peguta reHarare nemusi weMuvhuro uno muchiitiko chakakatyamadza zvakanyanya vamwe vanamuzvinhabhizimisi vemunzvimbo iyi.

Pane fungidziro huru yekuti humbavha uhu hune chekuita nemumwe anoshanda muchitoro ichi uyo akanyevera makororo aya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) anotsinhira nyaya yembavha dzakapakata idzo dzaba US$500 000 mangwanani anhasi (Muvhuro). Kuferefetwa kwenyaya iyi kwatanga,” vanodaro Comm Nyathi.

Vakaona humbavha uhu huchiitika vanoti makororo aya akasvika pachitoro ichi ndokuita chimbi-chimbi achibva aenda.

Mumwe muzvinhabhizimisi ari munharaunda iyi akashora zvikuru muridzi wechitoro chakabirwa ichi nekusaendesa mari kubhanga, achiti iyi itsika isina kunaka inotwa nevamwe vanamuzvinhabhizimisi.

“Isu, savanamuzvinhabhizimisi, ndisu tine mhosva yekukwezva mbavha dzinenge dzakapakata. Munhu angachengete sei mari yakawanda kudaro muchitoro apo vashandi vanenge vachitambiriswa mari shoma?” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *