‘NeMoneyMaker unodzinga nzara’

MUDZIMAI nemurume vanove varimi vekwaSabhuku Murimbi kwaMambo Seke vokurudzira vamwe kuti vasangochema-chema nekusanaya zvakanaka kwemvura nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze asi kuti

vashandise madiridziro eMoneyMaker Max Pump.

Mai Tambudzai Raisi (43) nemurume wavo,  Nobert Chihota (55), vanoti hupenyu hwavo hwapunduka nekushandisa madiridziro aya.

“Isu tave nemwedzi mitanhatu tichishandisa muchina uyu mushure mekuverengawo nekunzwa nezvawo mumapepanhau uye pamisangano yakaitwa muno kuti inobatsira mukurima, zvikuru sei munyaya dzemadiridziro. Muchina uyu uri kushanda zvakanaka zvekuti hausati wambotipa dambudziko zvisinei nekuti unotombokweretwa nevamwe  vachinodiridzawo kuminda yavo,” vanodaro Mai Raisi.

Vanoti vanorima mbesa dzinosanganisira matomatisi, muriwo wekovho netsunga, makarotsi nechibage vachidiridzira nemuchina uyu. Kunze kwavo, vanowanisa zvipfuyo zvavo mvura yekunwa kuburikidza nekuidhonza neMoneyMaker Max Pump.

“Tinobura goho guru sezvo munda wedu wakakura uye tinoda kutouwedzera nekuti haticharwadziwa nekushandisa migoro pakudiridzira.

“Kuburikidza nemadiridziro eMoneyMaker Max Pump, tave kutora maminitsi makumi maviri mukudiridzira eka rimwe chete kusvika maviri ebindu redu. Tisati tave nemuchina uyu, taitoswerera zuva rose tichidiridza zvekuti pamwe pacho taitoguma tave kuchipatara nekuda kwemabayo uye marwadzo emusana ayo aikonzerwa nekutakura migoro pakudiridza,” vanodaro.

VaChihota vanoti vanofamba nemudzimai wavo vachihodhesa zvirimwa zvemubindu ravo.

“Vana vangu nevazukuru tiri kuvabhadharira mari yechikoro kubudikidza nekurima zvekuti hatimboshuvi kuti kudai taenda kunogara mudhorobha munodhura,” vanodaro.

Kambani yeBlagefields Marketing ndiyo inogadzira michina yemadiridziro iyo ine mhando dzakasiyana dzinosanganisira MoneyMaker Max Pump neMoneyMaker Hip Pump.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *