Nesi tsotsi akasungwa

Danisa Masuku
MUKADZI anozviti ndimukoti pachipatara cheMater Dei Hospital, kuBulawayo, anotarisirwa kupinda mudare achipomerwa mhosva yekuenda pane imwe nzvimbo yekutandarira (nightclub) yeko apo akanodya chikafu pamwe nekunwa doro asi ndokuzoverera kuenda asina kubhadhara mari yacho.

Magwaro ari mudare reTredgold Magistrates Court anoratidza kuti Hanna Chirisa (24) akadya chikafu nekunwa doro paRed Café kwakare kuBulawayo.

Mushure mekudya nekunwa uku, Chirisa anonzi akabva averera asina kubhadhara.
Chikafu chaakadya nedoro raakanwa zvose zvinokosha US$20,50.

Asi gava rakazodimbura musungo nemusi wa31 Zvita apo mumwe mushandi wepaRed Café akamuona achifamba muguta reBulawayo ndokumuzvuzvurudza kuenda naye pakamba yemapurisa yeCentral Police Station achibva asungwa.

Chirisa aifanirwa kumira pamberi pemutongi wedare iri, Lenear Khumalo, svondo rapera asi haana kuenda kudare kanokwana katatu.

Izvi zvakaita kuti dare ribve rapa gwaro rekuti asungwe (warrant of arrest).

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×