NetOne yorerutsira ruzhinji

Munyori weKwayedza —
KAMBANI yeNetOne yakaparura zvirongwa zvitsva zviviri izvo zvakananga kurerutsira makasitoma ayo kuti awane nharembozha dzepamusoro nemitengo yakaderera uye kuti vakwanise kuviga vafi pasina dambudziko.

Zvirongwa izvi nde- zvinoti cheOneTech, icho chiri kutsigirwa nebhanga reBancEASY uye chichaita kuti veruzhinji vakwanise kutenga nharembozha nechikwereti uye nemitengo yakaderera.

Chirongwa cheOne- Cover, ichowo chiri kutsigirwa neFirst Mutual Life, chine donzvo rekuti veruzhinji varerukirwe pakuviga vadikani vavo nemari dzakaderera zvikuru. Vachitaura muHarare pakuparurwa kwezvirongwa izvi, chamangwiza we- NetOne, VaBrian Mutandiro, vanotenda kudyidzana kwakanaka kwavari kuita nemakambani akaita seBancEASY, First Mutual Life uye masangano enhau, izvo zvinoita kuti mabasa ekufambiswa kwemashoko kubudiridza neruzivo rwechizvino-zvino aendeke.

“OneTech chirongwa chatiri kuwanisa kumakasitoma edu nharembozha nemitengo yakaderera zvikuru icho chiri kutsigirwa nebhanga reBanc- EASY. Makasitoma edu ane sarudzo yakakura yekutenga nharembozha dzemhando yepamusoro dzemakambani ane mukurumbira seApple, Samsung, Huawei, Nokia, Alcatel, ZTE neLenovo,” vanodaro.

Pakutenga nharembozha idzi, makasitoma eNetOne anowana zvikwereti kubva kubhanga reBancEASY.

“Vachatenga nharembozha idzi vachawana mibairo yepachena yeFREE OneFusion airtime kwegore rose uye vachiwana OneFusion ye$20 pamwedzi woga-woga zvichienderana nemhando yenharembozha yavanenge vatenga,” vanodaro VaMutandiro.

Vanoti vakaronga kutanga chirongwa cheOneCover nechinangwa chekurerutsira veruzhinji apo vanenge vawirwa nerufu

“OneCover iri nyore kubhadhara zvakare inobatsira pakurasikirwa kwatinoitwa nevadikani vedu uye ichange ichitsigirwa neFirst Mutual Life. Kuti vanhu vange vachinyoresa kuve nhengo dzeOneCover, vanoshandisa nharembozha dzavo. Vanhu vakasununguka kuwedzera vamwe vavanoda kupinza muchirongwa ichi, kusanganisira vakwegura,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *