Nettleton ndiyo yakakunda

Yakatora mukombe wekubatsira panjodzi

VaSylvester Nyikadzino
VaSylvester Nyikadzino

VANA vepaNettleton Junior School, kuHatfield muguta reHarare, vari kushura mare muzvidzidzo zvekubatsira vanhu vanenge vawirwa nenjodzi zvichitevera kukunda kwavakaita mumakwikwi enyika yose, eSt John’s Ambulance National Schools First Aid Competions.

Mumakwikwi aya, ayo akaitwa mwedzi wadarika, vana vaisungirwa kuratidza kugona kwavo mabasa ekubatsirana panguva yenjodzi inoita kuti munhu agone kurasikirwa neupenyu kana akanonoka kubatsirwa.

Mutevedzeri wemukuru weNettleton Junior School, VaSylvester Nyikadzino, vanoti vanonzwa manyukunyuku nekukunda kwakaita chikoro chavo mumakwikwi aya.

“Tinofara zvikuru kuti vana vedu vakahwinha mumakwikwi eSt John’s Ambulance First Aid Schools Competition. Tine mitambo yakasiyana inoitwa nevadzidzi yakaita senhabvu yevasikana uyewo madhirama nekwizi,” vanodaro.

VaNyikadzino vanoti vana vepachikoro chavo vari kubudirirawo muchidzidzo cheShona. “Mugore ra2013, vana veGrade 7 vakanyora bvunzo dzeShona vakapasa vaive 183 kubva pa198 kureva kuti takabudirira Shona nechikamu che91,5%. Muna 2014, vasikana 88 nevakomana 84 ndivo vakanyora bvunzo dzeShona kukapasa 163 zvichireva kuti takabuda nechikamu che94,5% kuchizoti gore rapera takawedzera tikaenda pa95,3% apo takange tiine vadzidzi 203 vakapasa,” vanodaro. Vanoti itarisiro yavo kuti gore rino vana vavo vapase nechikamu che100% muchidzidzo cheShona.0607-3-1-IMG_0012

“Vadzidzisi vedu havatarisiri mutauro weShona pasi. Ndiko kusaka kupaswa kwayo kuri pamberi kana tichienzanisa nezvimwe zvidzidzo,” vanodaro VaNyikadzino.

Vana vepaNettleton vari kudyarawo miti yemhando dzakasiyana pachikoro chavo kuitira kuti varwise dambudziko rekuparadzwa kwemiti nekuchengetedza nharaunda.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *