New Curriculum: Hakuna madofo

— ‘Inosimudzira zvipo zvevana’

Malven Mugadzikwa —
MUKURU wezvedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvisimudzire zvipo zvevana zvakasiyana sezvo zviri izvo zvinoenderana negwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.

Vakataura mashoko aya svondo rapera pamhemberero dzekupihwa mibairo kuvana vavakunda vamwe muzvidzidzo, mitambo nezvetsika nemagariro, dzeNothern Central Merit Awards idzo dzakaitirwa paChurchhill Boys High, muHarare.

“Kaiva kare kekuti mwana ainzi akaita maU paForm 4 onzi haachina chekuita. Pari zvino zvasanduka nekuti New Curriculum iri kuti mwana wose ngaaende kuchikoro uye apihwe mukana wekuti aratidze zvaanogona.

“Rava basa remudzidzisi kuti aone chipo chemwana obatsira mukuchisimudzira nekuti chinangwa chemunhu wose ndechekuti aende kuchikoro okwanisa kuzvisevenzera achizviriritira pamwe chete nemhuri yake,” vanodaro VaKateera.

Vanoti zvikoro zvemudunhu reNothern Central District zvakatotanga kutevedzera zviri muNew Curriculum muna Ndira gore rino.

VaKateera vanoti izvi zviri kuonekwa nezvirongwa zvakaita seSchools Annual Sport, Science and Art Festivals (SASSAF) nemakwikwi eCluster Annual Science, Sports and Arts Festival (CASSAF) izvo zvakaitwa nguva pfupi yadarika.

“Vadzidzisi vakaona zvipo zviri muvana vakavabatsira kuzvivandudza, kuzvisimudzira nekuvadzidzisa mabasa emawoko pamwe chete nekuvapa dzidzo yakakwana inoenderana nechizvino-zvino, zvinoita kuti nyika isimukire. Vadzidzisi vane basa guru mukuongorora nekuona zvipo nematarenda ari muvana,” vanodaro. Vanoenderera mberi vachiti: “Kugona kwemwana muchikoro chaiko kunoumbiridzwa nemudzidzisi, ndizvowo nechipo chemwana. Dzidzo yedu yava kuzvikoshesa zvose.

“Mwana anogona muchikoro neanogona kumhanya vanoumbiridzwa zvakafanana nekuti zvose zvine ramangwana rakajeka kumwana pamwe chete nenyika. Hakuna munhu akamboti akaona muimbi anoimba zvinofadza chaizvo obvunza kuti akapasa here paakanyora Form 4 yake.

“Vanhu chavanenge voona chipo chake chinenge chava kumuraramisa.”

Vachitaurawo pachiitiko ichi, District Schools Inspector (DSI) vekuNothern Central District, VaSolomon Mafukidze, vanoti vari kufara kuti dunhu ravo ndiro rakatora chidanho chekutanga muHarare mukutevedzera zviri muNew Cirriculum.

“Vadzidzisi vemuNothern Central vamwe vacho vari kuenda kuzvikoro nemakoreji edzidzo yepamusoro kunowedzera ruzivo kuti zvisava nedambudziko pakudzidzisa kwavo vana zvinoenderana nechizvino-zvino. Izvi zvinofadza nekuti chirongwa chikafarirwa nevadzidzisi, zvinoreva kuti chava nyore pakusvika kwacho kuvana. Ndinodawo kutenda vabereki nekubata nesu mukukurudzira dzidzo yevana,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×