Ngatibatanei: Papa Mike

MUIMBI wemusambo weZim-Afro, Mike Nesongano, anoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukusimudzira nyika.

Muchinda uyu nguva yadarika akabura   dambarefu rake rechipiri rinonzi ‘Batanayi One Zimbabwe One Nation’ iro rinokurudzira kubatana munyika.

Nesongano, uyo anonyanya kuzivikanwa saPapa Mike munyaya dzemhanzi, anoimba nechikwata cheThe Good Parents.

Muhurukuro neKwayedza pamusoro pedambarefu rake idzva iri, Papa Mike anoti donzvo rake nderekukurudzira zvizvarwa zvenyika ino kuti zvive nechido chekusimudzira Zimbabwe.

“Sevaimbi, zvakakosha kuti mhanzi yatinotsikisa ngaisave yekungonzi tatsikisa pasina chairi kuparidza, kwete.

“Tinoda chaizvo kuti ive nechainobatsira munharaunda dzedu dzatinogara.

“Ini hangu pandakatanga zvekuimba ndakazvipira kuti mhanzi yangu ngaive inoshandura hupenyu hwevanhu uye ichinakidza,” anodaro Papa Mike.

Parizvino Papa Mike atsikisa madambarefu maviri uye anoti ari mushishi rekubikisa DVD remadambarefu aya.

Muimbi uyu anoti anoimba musambo weZim-Afro unove musanganiswa wemisambo yakasiyana yemuAfrica.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *