KWAYEDZA

Ngatinyeverei mapurisa panhau yekutengeswa kwezvinodhaka

SVONDO rino, tine nyaya yakaziviswa nemapurisa ekuMasvingo yezvedanho guru raakatora nguva pfupi yadarika, rekusunga vanhu vana vaipomerwa kushanda nezvinodhaka kwaChivi.

Vanhu ava vakabva vazvuzvurudzwa, ndokumiswa pamberi peChivi Magistrates’ Court, kwavakanobatwa nemhosva yekutengesa zvinodhaka zvakasiyana-siyana, kusanganisira mbanje, vakapihwa zvirango zvakatsaukana-tsaukana.

Mapurisa anokodzera kurumbidzwa zvakanyanya nebasa guru raakabata pakusunga nhubu idzi. Tinokurudzira kuti zvekusunga vanhu vakadai zvienderere mberi. Munzvimbo dzatigere, tinoona kuti dambudziko rekutora zvinodhaka ragodza uye ratekeshera nenyika. Zvinorwadza uye kunzwisa tsitsi kuona vanhu, kunyanya vechidiki, vachitora zvinodhaka, zvinosanganisira mutoriro netumbwa, zvokuti vanotadza kuita zvine pundutso muupenyu hwavo sezvo vanenge vakadhakwa, zvekuto “stika”, nguva zhinji.

Panzvimbo pokuti vanhu ava vaunze budiriro kuupenyu hwavo nekunyika, chinobuda hapana. Chavo kuondoka zvinhu chete. Vanhu ivava vane katsika kekuba zvinhu zvekwavanogara kuti vawane mari yekutengesa zvinodhaka. Midziyo yekushandisa pamba yakaita semapadza, matemo, nyundo, mapoto, mapanga nezvipunu uye mbatya chaidzo zvinomera makumbo, pamba posara pakati hwa-a.

Zvinhu izvi zvinobiwa pashoma nepashoma kusvikira zvati tsvai, zvichitengeswa nemari iri pasipasi zvisinei nekukosha kwazvo. Poto hombe chaiyo unoona ichitengeswa nedhora chairo.

Vamwe vabereki vanoshushwa nevana vavo zvidhakwa, vamwe vachitotysidzirwa kuti vabve padzimba dzavo. Mhuri zhinji munyika ino dzinonzwisisa zvose izvi sezvo dziine hama imwe chete kana mbiri dzinoita izvi pamusana pekutora zvinodhaka.

Dambudziko rose iri riri kunyuka nokuda kwenhubu dzinotengesa zvinodhaka. Kuti tiritapudze kana kuripedza, nhubu idzi dzinofanira kusungwa, dzotenherwa mumajeri. Ndosaka tichiyemura zvakaitwa nemapurisa kwaChivi.

Chatinofamira kucherechedza ndechokuti mapurisa haasi n’anga kana maporofita anofembera kuti muraini makati mune nhubu.

Semunyaya yekwaChivi, tinonzwa kuti mapurisa akatora matamho mushure mekuwana nyevero. Nyevero iyi inobva kuna ani? Inobva kune voruzhinji.

Nokudaro, zvakakosha kuti voruzhinji vapote vachipa nyevero kumapurisa kuti tibudirire mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka. KwaChivi, mapurisa akafeya nyaya mushure mekuwana runyerekupe.

Zvekunyarana bodo. Zvekutya kufumura nhubu ngatitsvete kwakadaro uko.

Chinodiwa kuzivisa mapurisa muchivande kuti nhingi ari kubata mabasa akaipa akati, vanamugaradzakasungwa vozoferefeta kuti vabate chokwadi.

Mapurisa haazivi zvose zvose sezvo anenge asiri pose pose nguva dzose. Voruzhinji ndivo vanoziva zvinoitika munharaunda dzavo. Nokudaro, zvakakosha kuti vaite mushandirapamwe nemapurisa mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka. Voruzhinji ngavave maziso nenzeve dzemapurisa.

Pakasava nekudyidzana uku, hapana chinobuda. Regai zvizonzi nevakuru chara chimwe hachitswanyi inda. Voruzhinji vakashanda nemapurisa nenzira yakadai kwose kwose, tinosvika kure.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vakarumbidza voruzhinji nekukurumidza kuzivisa mapurisa nezvenyaya yekwaChivi. Vanoti: “Zvakadai, tinovimbisa kuti mapurisa acharamba ari mubishi kuronda nekurwisa vanhu vose vanonzi vanotengesa zvinodhaka munzvimbo dzavari, uye tinokurudzira voruzhinji kuti varambe vakavhura maziso avo uye vazivise mapurisa nezvevanhu vanoshanda nezvinodhaka.”

Voruzhinji ngavabatisise mashoko aya.

Vechidiki ndivo vatungamiriri vamangwana. Nokudaro, ngatisangotarisai apo vanovhiringidzirwa ramangwana ravo nenhubu.