Ngatisaregerere miviri: Zvirekwi

Abel Ndooka
MUTAMBI weCAPS United, Hardlife Zvirekwi, anoti panguva ino nhabvu isiri kutambwa zvakakosha kuti vatambi vezvikwata zvakasiyana zvinokwikwidza muCastle Premiership vachengetedze miviri yavo.

Senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiona hwecoronavirus hunokonzera Covid-19, mutambo weCastle Premiership  uyo waifanirwa kunge wakatanga  kare  wakambomiswa nekudaro zvikwata zvose hazvisi kukwanisa kusangana zvichimboita gadziriro.

Zvirekwi anoti sezvo parizvino vatambi vasiri kuziva kuti nhabvu ichadzoka rinhi, zvakakosha kuti vachengetedze miviri yavo uye vachikurudzirana pachavo kuti vararame hupenyu hwakanaka husingazovakanganise kutamba nhabvu mune ramangwana apo mutambo uyu paunozodzoswa.

“Kuve pa’lockdown’ hazvireve kuti tagarika tozorora, kwete. Sevatambi venhabvu tinofanirwa kuchengetedza miviri yedu tichiita tuma’excercise’ tiri kudzimba. Izvi zvichatibatsira mune ramangwana.

“Isu kuchikwata chedu tine gwara ratakapihwa rekutevedzera iro tiri kushandisa tiri kudzimba saka sevatambi tinenge tichikurudzirana kushanda nesimba kuti zvitifambire zvakanaka,” anodaro.

Nairobi, sezita raZvirekwi remadunhurirwa, anoti asuwa zvikuru mutambo wenhabvu uye amirira kudzoka kwawo zvekuti kana ukanzi uchadzoswa uchitambwa nhandare isina vatsigiri akazvipira kutamba sezvo uriwo unomuraramisa.

“Nhabvu ndiyo hupenyu hwangu uye ndiyo yandakakura ndichingoziva saka ndikaitorerwa, zvinhu hazvimbondifambira zvakanaka. Ndamirira kudzoka kwayo saka tiri kungotarisa kuti vatungamiri vedu vari kuzvifambisa sei uye vacharonga zvipi.

“Kana zvikanzi nhabvu igotambwa pasina vatsigiri, hapana chinotitadzisa kuzviita sezvo isu chatiri kuda kutamba mutambo wedu watinodisisa,” anodaro.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×