‘Ngatitsigirei vaimbi vechidiki muno’

MUMWE muimbi wechidiki wemusambo weZim dancehall ari kusimukira ochema-chema kuti vari kutsikirirwa zvipo zvavo nekuda kwekushaya vatsigiri pamwe nemikana yekushambadza mhanzi yavo.

Valentine Tawanda Mapfunde (21), anonyanyozivikanwa saWantloe Vee uyo achangobva kubura vhidhiyo rake idzva rinonzi You make me iro rinotaura nezverudo, anoti zvakakosha kuti vaimbi vari kusimukira vatsigirwe zvizere.

Wantloe anoti vaimbi vazhinji vechidiki havasi kuwana mikana yekutsikisa mhanzi yavo izvo zviri kuita kuti vamwe vapedzisire vasiyana nazvo.

“Vhidhiyo rinonzi You make me ndakarirova nemazvo zvekuti ndinotarisira kuti vazhinji vacharitambira zvakanaka kunyanya vechidiki nekuti rinotaura nezverudo. Chipo chekuimba pamwe chete nekugadzira mavhidhiyo anofadza veruzhinji ndinacho asi kuti ndiri kushaya angandisimudzira pamwe nekushambadza zvandinenge ndaita.

“Vezera rangu vazhinji vari kusiya zvekuimba vasati vasvika kure nekuti kwatinotsikisira mimhanzi kwacho ukaendesa uchiti vakushambadzire vanomhanyira kuitira vagara vachizivikanwa kare zvedu zvatinenge tavapa zvonzi zvarasika kana kuti vanotsika-tsika,” akadaro Wantloe.

Wantloe, uyo akambonetsa nerimwe vhidhiyo rake rinonzi Rudo rwako, anoti anofarira nziyo dzerudo pamwe nedzetsika nemagariro.

“Pavhidhiyo idzva iri ndiri kurumbidza musikana anopa rudo rwakadzama uye ndine rimwe vhidhiyo rakambonetsa rainzi Rudo rwako rakafarirwa nevanhu zvakanyanya. Ndinovimba kuti chero iri randakabva kubura richafarirwa kudarika zvakaita rekutanga nekuti ndine zvandakawedzera kuti zviwedzerewo kunakidza,” akadaro.

Muimbi uyu akachema-chema zvakare nekuda kwenyaya yepairesi achiti iri kudzosera kumashure indasitiri yemimhanzi zvikuru.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×