Ngatizivei mwaka yedu yegore

Ticha Danga —
HUTSANZI hweMusiki hunobuda zvakare pachiitiko chakakosha apo Mwari vakasika zvinoitika gore rega-rega uye zvisingashanduki. Mugore rega-rega tinowana pachiita shanduko kumamiriro ekunze zvichienderana nekuti tava mumwedzi upi.

Kune shanduko ina dzinoitika mumwedzi yegore. Shanduko idzodzi dziri ina ndidzo dzinotipa mwaka mina yegore. Mwaka mina iyi inoti Zhizha kana kuti Maenza kouyawo Matsutso ayo anoteverwa neChando kozouya Chirimo.

Mumwaka iyoyi iri mina mune zvakasiyana zvinoitika zvinoita kuti upenyu hwevanhu nemhuka hufambe mutserendende. Kubudikidza nekuziva zvose zvinoitika mumwaka iyi, vanhu vanoita gadziriro dzinoenderana nemwaka wega-wega kuti zvigofambirana.

Mwaka weZhizha kana kuti Maenza unobatwa kana kuti unoputira mwedzi mitatu inoti Mbudzi, Zvita naNdira. Mumwaka uyu mvura yemunhuruka inonaya. Kazhinji inonaya kutanga kwaMbudzi. Ndiyo mvura yokutanga iyo varimi vanoshandisa pakukavira nekudyara mbesa.

Nekufamba kwenguva tichipinda muna Zvita, mvura zhinji yekukudza mbesa inobva yambotsitsana kunaya. Sora rinoita nhangemutange nechibage nedzimwe mbesa pakukura nokudaro vanhu vanoita bishi kusakura nekudzurira masora. Munguva iyi shiri dzinobva mhiri kwemakungwa, dziya dzinonzi mashuramurove nemafudzamombe dzinouya dzichiswera dzichidya mhashu nezvitototo kumakura kunofudzirwa mombe.

Twukara twunonanaira twunozvarana nekuwanda. MunaNdira munozvarwa twupuka twutema twunonzi twundira utwo twunonanaira nekunamatira pamatombo. Mbesa dzinenge dzisati dzaibva nekudaro nzara inenge ichibvunza vanhu mitupo.

Mwaka wepiri ndiMatsutso. Matsutso anotora mwedzi mitatu inoti Kukadzi, Kurume naKubvumbi. Munguva iyi mbesa zhinji dzinenge dzasvika kana kuti dzakora. Maguta anenge avako uye ndiyo nguva iya inotanga kukohwewa zvirimwa muminda.

Tsapi nendyanga zvinotanga kuvakwa kuitira pekuzochengetera goho. Ndipo panogadzirwa tsero, tswanda nemasandanga zvekuzoshandisa kutakurira zvirimwa zvinenge zvobviswa muminda. Munguva iyi chisi chinorega kuyera.

Zvekudya zvinova saraude apo mbeva dzinenge dzocherwa, misungo nemadhibhura zvekubata mhuka zvichiteiwa.

“Kana tabva muMatsutso tinopinda mumwaka weChando. Mumwaka uyu ndimo munowanikwa mwedzi inoti Chivabvu, Chikumi naChikunguru. Munguva iyi mvura yemadziurachando inonaya.

Mabasa ekukohwa anoenderera mberi nekuti kucheka zviyo, mupunga, mhunga nemapfunde kunenge kusati kwapera.

Tsapi dzinenge dzichipedziswa kugadzirwa uye ndiyo nguva inomorwa uchi nyuchi dzisati dzanwa huchi hwadzo. Shiri dzinenge dzichiuya kumakoto nokudaro ndiyo yekuteya urimbo.

Vanhu vanotema huni dzekuzodziya kana chando chofuridza. Zvirimwa zvinoiswa mumatura, mombe dzosairirwa.

Mwaka wekugumisira ndeweChirimo apo vana muvengabadza vanoswaradza nekuti mabasa emuminda anenge ava mashoma. Mombe dzinenge dzosairirwa nokudaro vajana vemombe vanenge voswero sika nyimo mumakura nekutamba bhora rezvikweshe.

Ndipo mvura yeGukurahundi inonaya.

Ndiyo zvakare nguva inorohwa makuva. Zvikomana nezvisikana zvinoswero tiburana kumatuhwino zvichidhigidha. Ngoma dzemafaro nedzekupira midzimu dzinodandaurwa.

Mumwaka uyu ndimo munonaya mvura yeBumharutsva. Nemhaka yekuti mabasa anenge ave mashoma, ndipo panowana vanhu mikana yekushanyirana. Basa rinenge rasara ndere kusosera mapindu kudzivirira mbudzi nemombe dzinenge dzisisafudzwe.

Related Posts

Chamangwiza weRIDA atenherwa mutirongo nekuda kwetsaona yechikepe

Munyori weKwayedza MUNYORI weKariba District uyo zvakare akafanobata chigaro chemukuru weRural Infrastructure Development Agency (RIDA) mudunhu iri, Ignitious Chiome, akamiswa mudare ndokuvharirwa mutirongo nekuda kwetsaona yechikepe cheMbuya Nehanda iyo yakaurayisa …

Suluman ochengetedza nhaka yemhuri

Trust Khosa DAI kurongeka uye kuziva kutakura mutoro zvaive bvunzo, Suluman Chimbetu angadai akabuda nezvibodzwa zvepamusorosoro. Takatarisana nenyaya yekuchengetedza nhaka yemhuri, Sulu, semazivirwo anoitwa mutungamiri weOrchestra Dendera Kings uyu nevoruzhinji,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *