Chamangwiza weRIDA atenherwa mutirongo nekuda kwetsaona yechikepe

Munyori weKwayedza

MUNYORI weKariba District uyo zvakare akafanobata chigaro chemukuru weRural Infrastructure Development Agency (RIDA) mudunhu iri, Ignitious Chiome, akamiswa mudare ndokuvharirwa mutirongo nekuda kwetsaona yechikepe cheMbuya Nehanda iyo yakaurayisa  vanhu 97 muLake Kariba nguva pfupi yadarika.

Chiome akamiswa mudare reKariba Magistrates’ Court nemusi weChitatu achipomerwa mhosva yekukonzeresa kufa kwevanhu ava.

Acharamba ari mutirongo kusvikira musi weChina, apo chikumbiro chake chekuti apihwe bhero chinozonzwikwa mudare iri.

Hurumende inoti kutakura vanhu vakadarikidza mwero wechikepe, kutadza kushanda kwacho zvakanaka uye kushaya hanya nekuona mafambiro ebasa anotarisirwa ndizvo zvakakonzeresa njodzi ya11 Nyamavhuvhu apo chikepe ichi chakanyura muLake Kariba

Chikepe ichi chine makore 41 chichishandiswa uye chinonzi chaive chakatakura vanhu vanosvika 180 nezvinhu zvinorema, kunyangwe chiine mvumo yekutakura vanhu 90.

Kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi uye vachuchusi vanoti zvinoratidza kuti kuchasungwa vamwe vanhu vane chitsama vane chekuita nenjodzi yakaitika iyi.

Related Posts

Suluman ochengetedza nhaka yemhuri

Trust Khosa DAI kurongeka uye kuziva kutakura mutoro zvaive bvunzo, Suluman Chimbetu angadai akabuda nezvibodzwa zvepamusorosoro. Takatarisana nenyaya yekuchengetedza nhaka yemhuri, Sulu, semazivirwo anoitwa mutungamiri weOrchestra Dendera Kings uyu nevoruzhinji,…

Makororo matatu ogara mujeri kwemakore 70

Kingstone Mapupu MAKORORO matatu aiva ashungurudza vagari vekuKadoma nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza nekuvabira midziyo yakasiyana akatongerwa kugara mujeri kwemakore anosvika 70 pamwe chete. Vatatu ava, avo vakasungwa nemusi wa30 Kubvumbi nekuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *