Ngozi yekuda nzou 50: Hapana chati charipwa

Kingstone Mapupu
NGOZI yemurume wekufa nekupondwa wekwaNembudziya, kuGokwe — iyo ine mweya uri kuti unoda kuripwa nenzou 50 nemombe 60 — iri kunzi haisati yaripwa. Nguva pfupi yadarika, bepanhau reKwayedza rakaburitsa nyaya yemushakabvu Takudzwa Masikati (26), uyo ari kunzi akapondwa nevakadzi vatatu avo vainge vabhadharwa nemumwe muzvinabhizimisi weko, mutumbi wake ndokuzowanikwa murwizi rweko uine maronda.

Sadunhu Nembudziya

Mweya wemurume uyu uri kubuda pamukoma wake, Peter Masikati (29), uchiti akapondwa nevakadzi matatu vanoita zvepfambi ikoko.

Vakadzi vari kudomwa nemweya uyu ndiMaggie, Edinah naRose.
Mweya wengozi uyu, uyo wakabuda Kwayedza iripo, uri kudura kuti vakadzi vatatu ava vakatumwa kupara mhosva yekumuponda namuzvinabhizimisi wekwaNembudziya ari zvakare hama yemushakabvu uyu (zita tinaro).

Mweya uyu uri kuti asati apondwa, Takudzwa akatanga aitwa murume nevakadzi vatatu avo vakazomurova nesimbi kusvikira afa.

Vanonzi vakazonokanda mutumbi wake mudziva kuti aite seakatorwa nerwizi.
Pamusoro pezvo, mweya uyu unoti sikarudzi yemufi yakachekwa ikabviswa, izvo zvinonzi zvakazombotanga zvaendeswa kuchitoro chamuzvinhabhizimisi zvisati zvazopiswa nekufamba kwenguva.

Nyaya yengozi iyi yakatanga nekupinda mudare raSadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamuyedova (54), ikazodarikidzwa kudare raMambo Chireya, VaHenry Chidzivo (53). Mweya uyu unoti vakadzi vatatu vekuponda Takudzwa vakabhadharwa $1 000 namuzvinabhizimisi wekuvatuma.

Nyaya iyi inonzi yakasvitswa kumapurisa ekudunhu iri zvisinei kuti hakuna munhu ati asungwa.
“Avo vasikana vechipfambi vanonzi vakaponda ava sekutaura kwengozi kuti inoda mombe 60 nenzou 50, tamirira kuti irwe yoga sekuvimbisa kwayakaita,” vanodaro Mambo Chireya.

Mambo ava vanoti vane mashoko ekuti ngozi iyi yave kusvika nenguva dziri kure ichitaura nehama dzemufi uyu.
Mweya wengozi iyi waimbobuda uchitaura kuti vari kunzi vakauraya Takudzwa ava vaiedza kuitsipika kuti ngozi yake isavarwise.

Zvakadai, baba vaTakudzwa, VaTafadzwa Peter Masikati (70), vanotsinhira kuti hakuna chati charipwa nevanhu vari kunzi vakaponda mwana wavo ava.
“Ngozi iri kubuda asi hapana huripwa hwakaitwa kusvika izvozvi.

“Tave kungotarisira kumweya wengozi wacho kuti uchaita sei nekuti wakati unoda mombe 60 nenzou 50 uyewo nemukadzi mhandara pamusoro uyo achapihwa kumurume hama yaiye mufi onobereka vana ikoko,” vanodaro.

Mitemo yemuZimbabwe haitendere kuti vanhu vashandise mhandara kuripa mhosva dzakaita sengozi sezvo uku kuri kumbunyikidza kodzero dzevanhukadzi.

Panyaya yekuti ngozi iyi iri kuti inoda kuripwa nenzou, hazvisati zvazivikanwa kuti vapari vemhosva iyi vachadziwanepi mhuka idzi sezvo nzou dziri mhuka dzakachengetedzwa uye dzisingatenderwe kuuraiwa zvisiri pamutemo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×