Ngozi yemukorokoza yoda rori nechigayo

Tendai Gukutikwa

NGOZI yemurume wekuOdzi aiita mabasa echikorokoza achichera dhaimondi uyo akaurayiwa neshamwari dzake mbiri makore 12 adarika yava kuda kuripwa nerori (two tonne truck) uye chigayo senzira yekuichenura.

Ngozi iyi iri kuda zvimwe zvinhu zvakawanda zvinosanganisira mombe asi pakutanga inoda kuendeserwa rori nechigayo kuhama dzemushakabvu.
Zvinonzi mweya wemufi, Welldone Mutangabende, aigara paMararira Farm, kwaOdzi uri kupomera John Muchinganwa naWillard Kushanya uchiti ndivo vakamubira madhaimondi ake masere (eight-carat diamond) mushure mezvo kwava kumuponda vachibva vanomukanda mumuzinda wezvicherwa izvi weChiadzwa uri kwaMutare.

Mhuri yekwaMutangabende, Muchinganwa uye Kushanya vakamira pamberi pedare raMambo Marange svondo radarika apo mweya wemufi wakareva zvinhu izvi semuripo wengozi.

Munin’ina waWelldone anonzi Shingirayi anoti anofara zvikuru kuti mweya wemukoma wake wava kuvaratidza kugumbuka kwake kuvanhu vakamuponda.

“Zvinofadza kuti mweya wemufi wataura zvaunoda vanhu vose varipo, kusanganisira vapari vemhosva. Dai tataura tiri isu vaizofunga kuti pamwe tine makaro, tiri kuda kutora mukana wedambudziko riripo. Tava kumirira mhuri dzevari kupomerwa mhosva kuti dzizadzikise zvarehwa,” anodaro Shingirai.
Anoti mweya wemukona wake uri kuti maidhaimondi masere ayo akabirwa mukoma wake anokosha rori nechigayo.
Mumwe muporofita anonzi akanga achibatsira mhuri yekwaMuchinganwa neyekwaKushanya anoti mweya wemufi uyu uri kunetsa mhuri mbiri idzi kwemakore mashanu adarika kunyangwe zvazvo vaiedza kuutsipika.

“Vakamboenda kun’anga vachikumbira kuti vabatsirwe mukutsipika mweya wemufi kuburikidza nekushandisa mishonga. Mweya uyu wakabva waiswa mumukombe asi dambudziko rakavapo nderekuti n’anga yaivabatsira yakabva yashaya gore rapera,” anodaro Madzibaba Tendai.
Welldone akashaya mugore ra2008 mushure mekupondwa.

Hama dzake dzakanyeperwa panguva iyi dzikaziviswa kuti mugodhi wemadhaimondi wainge wadhirika achibva atsitsirirwa ndokufa.
Chokwadi chenyaya iyi chakazobuda svondo rapera mushure mekunge mhuri yekwaMuchinganwa neyekwaKushanya vekwaSabhuku Gonon’ono vashanyira mhuri yekwaMutangabende nechinagwa chekuripa ngozi iyi.

Muchinganwa naKushanya vanonzi vakamhan’ara kumapurisa kuti vaishaya Welldone vachibva vabatsirana kumutsvaga nedzimwe shamwari dzake mbiri vakamuwana ari mugomba rinoitwa mabasa ezvicherwa mutumbi wake wakatsimbirirwa nezidombo zihombe.
Vanhu vakabva vangofunga kuti akanga awira nedombo panguva yaaitsvaga madhaimondi.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×