Nhafu yamupinza munyatwa

Sukoluhle Ndlovu
MURUME wekuZvishavane uyo ane makore 26 ekuberekwa akabata mazamu emumwe mukadzi anoita basa rekubika chikafu achitengesa pasina kutenderana naye achimupomera mhosva yekumupakurira kasadza kadiki.

Nyaya iyi yakabuda pachena apo Audias Matumbura akamiswa pamberi pemutongi Archie Wochiunga wedare rekuZvishavane achipomerwa mhosva yeIndecent Assault sezviri muSection 67 yeCriminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23.

Matumbura anobvuma mhosva yake yekubata mazamu aMellisa Ngaruze achishandisa chisimba achiti akaita izvi nekuda kwekudhakwa.

Mutongi Wochiunga anoti varume vakaita saMatumbura avo vanombunyikidza vanhukadzi vanofanira kupihwa mutongo wakaoma.

“Murume anombunyikidza madzimai anofanira kupihwa mutongo unozova chidzidzo kune vamwe vangada kuparawo mhosva dzerudzi urwu.

“Ibasa rematare kuti pave nenharaunda inogarika nevanhukadzi nevana murunyararo. Naizvozvo unotongerwa kupedza maawa 310 uchifondoka pasina mubhadharo paShabani Primary School,” anodaro mutongi Wochiunga.

Musi wa20 Zvita nenguva dza10 dzemanheru, Matumbura neshamwari dzake vakaenda kuCaravan Park kunova ndiko kunoshandira Ngaruze vachida kutenga sadza.
Pavakasvika, vakataura kuti vaida sadza vakapihwa nemumhan’ari.

Matumbura akazotanga kutsutsumwa achiti akange apakurirwa sadza shoma. Akabva asvekutuka nepamusoro pekaunda ndokuenda nekumashure kwaNgaruze ndokutanga kumubata-bata mazamu ake.
Musi wa28 Zvita, Matumbura akaenda zvakare panzvimbo inoshandira Ngaruze ndokutanga kumutuka pamusoro penyaya iyi ndokubva amubata zvakare mazamu ake.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa zvikazoita kuti Matumbura asungwe.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *