Nhoroondo yemunyori

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tichatanga kuita ongororo yebhuku reuvaranomwe idzva rinonzi Gona ReChimurenga. Bhuku iri rakanyorwa naMoses F.W Makata, rikatsikiswa neMambo Press yakabatana neLiterature Bureau mugore ra1982.

Kune vose vangada kuverenga bhuku iri munoriwana muzvitoro zvinoshambadza nekutengesa zvinyorwa nyika yose.

Pari zvino tichatarisa maererano nezvemunyori webhuku iri uye nekupa pfupiso yaro.

Moses F.W Makata akaberekerwa kwaMutare muna 1962. Akaita zvidzidzo zvake pazvikoro zvinoti Gorven kuMazoe nokuMacheke akagumira mugiredhi 7. Zvakawanda zvakamutadzisa kuti azoenderera mberi nechikoro.

Moses akagara munzvimbo dzakasiyana-siyana sekuChinhoi, Bulawayo, Murehwa neBulawayo. Nzvimbo idzi dzakamubatsirawo zvakanyanya kuti akwanise kuruka nyaya yatiri kuverenga munaGona ReChimurenga.

Mugore ra1980 akapinda basa muchitoro chinonzi Turk Mine Store chiri kuBulawayo. Ariko, ndipo paakafunga zvokunyora bhuku rinonzi Gona ReChimurenga kuti ataurirewo vamwe nezvehondo yeChimurenga yakaitika muZimbabwe.

Zvikonzero zvekuti ndinge ndichipinda kunobata raramo yemunyori ndezvekuti tese sevaverengi nevaongorori vebhuku rino, tinofanira kuzivana nemunyori wedu tisati tanzwa nyaya yaanotipakurira.

Ndakambotsanangura imwe nguva ndichiti hatigoni kuongorora bhuku reuvaranomwe tisati taongorora munyori waro.

Pari zvino tatoona kuti Moses akagara munzvimb dzipi uye akazvarwa gore ripi, zvinove zvinoita kuti ruzivo rwake nezvimbo dzaakagara zvive nechekuita pakubuda kwebhuku rake.

Tave nechokwadi chekuti hondo yaari kunyorawo nezvayo akaiona ichiitika uye nzvimbo dzaakagara tinogona kudzinoona zvakare dziri dzimwe dzichange dzichitenderera nyaya nekuti hakuna munhu anonyora zvinhu zvaasingazive.

Svondo rinouya tichapinda mupfupiso yebhuku iri. Kurudziro yangu ndeyekuti ngatitsvagei bhuku iri titotanga kuriongorora.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *