Nyakunzi aroore dhongi akaripiswa

Kingstone Mapupu
MUKOMANA uye wechidiki wemubhuku raMangwiro, kwaShe Chundu kuHurungwe, wekunzi akaramwirwa dhongi achinzi ariite mudzimai wake, akazoripiswa mbudzi shanu nehuku nesvikiro rekudunhu iri.Mukomana uyu, uyo ane makore 17 ekuberekwa achiita Grade 7 pachikoro cheChipfuko Primary School, anonzi akawanikidzwa achishinha nedhongi nevaridzi vari avo vakabva variramwa.

Nyaya iyi yatongwa naSabhuku Mangwiro, Mai Benadette Mangwiro (39), mukomana uyu akabvuma mhosva yake.

Sabhuku Mangwiro vanoti pavakatonga nyaya iyi vakazoisvitsa kwaShe Chundu.

“Nyaya iyi takaisvitsa kwashe vedu Chundu ndokutongwa ichibva yanzi yaida kusvitswa kumasvikiro uko yakaendeswa kusvikiro redu, Mubaiwa. Mwana uyu sezvo akabvuma mhosva yake vabereki vacho vakazoripiswa mbudzi shanu nejongwe rehuku rimwe chete” vakadaro Sabhuku Mangwiro.

“Nyaya iyi ine chekuita nechivanhu nemidzimu yepasi saka izvi zvakaitwa kupfupwa kwedunhu kuti kusazorega kunaya mvura nekuzoitika kwemamwe mashura nekuti ndeye kutanga muno.”

Vanoti dzimwe dzembudzi dzakaripwa dzakanzi dzinouraiwa veruzhinji vodya dzimwewo dzochengetwa.

Ishe Chundu, VaAbel Mbasera (44), vakatsinhira kuripiswa kwemukomana uyu.

“Svikiro redu Mubaiwa ndiro rakatara muripo uyu zvichifambirana netsika dzedunhu redu ndokusaka ini samambo ndakaendesa nyaya iyi ikoko,” vakadaro Ishe Chundu.

Zvichakadai, dhongi rakanga raramwirwa kumukomana uyu kuti agare naro semudzimai wake rakazodzoserwa kuvaridzi varo mushure mekutongwa kwenyaya iyi.

Baba vemukomana uyu ndivo vakabvisa mbudzi nejongwe rehuku vachiripira mwana wavo.

Varidzi wedhongi iri, VaLast Madaka (32), nemudzimai wavo, Mai Jane Dhliwayo (30) vakazoritambira mushure mekunge vamboti havacharida.

Ishe Chundu vanoti nyaya iyi yakapera mune zvakanaka.

“Takati isu vabereki vacho vafambire mwana kuchivanhu kana kuzvinamato sezvo achiti aisaziva zvaiitika chaizvo apo akawanikidzwa achishinha nedhongi. Hatidi kuona vanhu vanoshungurudza mwana uyu pamwe chete nevabereki vake nekuda kwenyaya iyi,” vakadaro Ishe Chundu.

 

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×