Nyama yerurimi: Unozodei?

NYAMA yerurimi rwemombe mudya ndakasungwa ndokunge ikabikwa zvine unyanzvi uye inonzi yakakosha kuutano hwemhuri sezvo iine kudya kunovaka muviri semapuroteni.

Svondo rino Mai Alfa Ncube vekuBulawayo vanotsanangudza mamwe mabikirwo enyama yerurimi rwemombe.

Zvinodiwa:

Rurimi rwemombe, garlic, munyu, mafuta, matomatisi nehanyanisi.

Mabikiro:

Fashaidza rurimi rwemombe muchikari kwemaninitsi makumi matatu.

Ita izvi uchishandisa moto wakaderera.Kana rwuchinge rwaratidza kupfava, bura ubvise rukanda rwekunze rwose.

Geza rurimi wocheka muzvidimbu zvakafanira.

Fashaidza nyama iyoyo zvakare kwemamwe maminitsi makumi maviri.

Isa chidimbu chechipunu chegarlic nemunyu wakaringana.

Isa mafuta mashoma ukange kusvika nyama yatsvukira.

Kanga hanyanisi nematomatisi parutivi wozozvisanganisa pashure.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura unakirwe nemhuri.

Usavi uhu hunogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana mupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *