NYOKA INE CHUMA PACHECHI

Kingstone Mapupu

VAGARI vemumusha weKuwadzana 3, muHarare, nguva pfupi yakadarika vakaona mashura padunhu apo vakafumodhumana nezinyoka rerudzi rwemhungu iro raiva rakasungirirwa chuma nechinhu chaiita kunge sikarudzi yemunhurume yakaomeswa uye yakazorwa mafuta.

Nyoka iyi yakawanikwa yakafa asi yakaiswa muzibhegi.

Bhegi iri raiva paimwe chechi iri kwakanangana nezambuko diki (footbridge) zvichiita sekunge nyoka yainge isati yawora iyi yakanorasirwako.

Mumwe murume akaona chiitiko ichi uyo akangoda kuzivikanwa saVaDahwa (63), anoti manenji aya akashamisa vagari veko zvikuru.

“Ini ndaiva kumba apo ndakazongoona vanhu vaita mudungwe vachimhanya vakananga kuchechi uko nyoka iyi yakaonekwa yakakandwa. Ndakazotevera ndikaiona yakamonerwa chuma uye iine chinhu chinoita senhengo yemunhurume.

“Murume anochengeta pachechi iyi ndiye anonzi akatanga kuona nyoka iyi apo aitenderera,” vanodaro VaDahwa.

Sekuona kwavo, vanoti nyaya iyi ine hushereketwa mukati.

“Vamwe tiri mubishi kurwisana nedenda reCovid-19 asi vamwe vari kubipitirana nemazinyoka,” vanodaro VaDahwa.

VaAlbert Monera (40) mumwe akaona mashura aya, uye vanoti aya mabasa evaroyi.

“Isu dzimba dzedu dziri padyo nekwakawanikwa nyoka iyi. Tava kutogara tichitya nekuda kwechiitiko ichochi nekuti hatizive kuti munhu akaunza nyoka iyi pachechi apa aida kuita sei. Kana kurasirira mweya yakaipa here isu hatichaziva,” vanodaro VaMonera.

Nyoka iyi inonzi yakazongoonekwa isisipo panzvimbo apa asi hazvina kuzivikanwa kuti yakatakurwa nani.

Vopa mafungiro avo, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba, vanoti nyoka iyi yakaita zvekurasirirwa.

“Uku kushereketa chaiko kana kuti maminimini atinoti tsandukwa. Chuma chainge chakamonererwa panyoka iyi zvinoreva kutsipika mashavi evamwe kuti huturu hwenyoka iyoyo huzokwanisa kunouraya vamwe vanhu. Nyoka yacho yaifanirwa kupiswa nemishonga pamwe kushaikwa kwayakaitwa yakatomuka ikaenda,” vanodaro.

Kuchiti mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti uku kushereketa kwakaitwa.

“Uhwu hushereketwa, munhu aitotandidzira mweya wenyoka iyi kuhama dzake, kana kuti nyoka iyi yakanga yamunetsa,” vanodaro.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *