‘Nyoresai zvirimwa kuinishuwarenzi’

Kingstone Mapupu
KAMBANI inodyidzana nemasangano anotsigira varimi ye(MA) Uzande Consultancy (PVT) LTD yokurudzira kuti vanyorese zvirimwa nehumwe upfumi hwavo kumakambani emainishuwarenzi kuitira kuzvidzivirira kubva munjodzi dzakasiyana dzavangasangana nadzo mubasa ravo.

VaMax Uzande (jnr) vanova director wekambani iyi vanoti nguva dzose varimi – vangava vadiki kana vakuru – vanochema-chema nekuda kwetsaona dzavanosangana nadzo mubasa ravo dzinosanganisira kutsvirwa nezvirimwa nemoto kana kufirwa nezvipfuyo nenzira dzakasiyana uyewo kuparadzirwa zvivakwa nemvura ine dutu.

“Mwaka yekunze yasanduka zvasiyana nemarimiro ataiita kare ekuti taingoziva kuti mvura inonaya nguva yakati kotiwo pataisvika Kirisimasi, chibage chinenge chave kuibva mvura ichinaya.

“Hatifambiranei nekusanduka kwekunze togara takagadzirira. Chombo chikuru munyaya dzekusanduka kwekunze tinoti kuvarimi ngatinyoresei zvose zvatinazvo kumainishuwarenzi akasiyana tisarasikirwe,” vanodaro VaUzande (jnr).

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine varimi vechidiki – kusanganisira vechidzimai – vanoda ruzivo nguva dzose avo vanofanirwa kunge vachitora mainishuwarenzi,” vanodaro VaUzande (jnr).

Vanopa muenzaniso wekusanaya kuri kuita mvura zvakaringana mwaka uno wezhizha vachiti murimi kana achinge akanyoresa zvirimwa zvake nezvimwe anobhadharwa kurasikirwa kwese kwaanenge akaitwa.

“Honai tine vamwe varimi vane zvirimwa zvavo zvakatsva nekuda kwezuva, tine vamwe zvakare vane fodya yavo inoparadzwa nechivhuramahwe, dzimba chaidzo kana madhirihora anoparadzwa nemvura yedutumupengo.

“Kudivi rezvipfuyo kune mbudzi kana mombe zvinofa nezvirwere saka zvakakosha kutora inishuwarenzi yekuti kana murimi azosangana nenjodzi anowana rubatsiro,” vanodaro.

Vanoti hakuna chipfuyo kana chirimwa chinonzi chakakosha kudarika chimwe kumurimi.
“Pakuchengetedza upfumi haugone kurasa dhora uchiti imari diki uchiti wochengetedza hombe, unotochengetedza yose. Zvirimwa zvose zvinofanirwa kunyoreswa kumainishuwarenzi, zvimwechete nezvipfuyo kunyangwe madhongi chaiwo nenguruve nehuku,” vanodaro VaUzande (jnr).

Vanoti kunze kwekunyoresa kuinishuwarenzi zvipfuyo nezvivakwa, midziyo yakaita sedzimotokari, matarakita, midhudhudhu nemimwe michina yakasiyana inoshandiswa pakurima inofanirwawo kunyoreswa kuitira njodzi dzinosanganisira kutsva.

“Tinoshandawo zvikuru nesangano reAgricultural Show Society nemamwe anomirira varimi pakupa varimi mazano akasiyana-siyana kuti vasimukire mubasa ravo,” vanodaro VaUzande (jnr).

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×