Nzira dzekuziva huchi hwechokwadi, hwemanyepo

Malven Mugadzikwa
VERUZHINJI vanotenga huchi — kunyanya mumadhorobha — vokurudzirwa kuti vangwarire kutengeserwa hwemanyepo nemakoronyera uho hunenge hwakasanganiswa netsvigiri nezvimwe zvakasiyana-siyana.

Kune nzira dzakawanda dzinogona kushandiswa kuongorora kuti huchi ndehwemachokwadi here munhu asati atenga, kunyanya kune vanotengesa vachifamba.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nemurimi uye mudzidzisi wezvekuchengetwa kwenyuchi nekurimwa kwehowa VaAnderson Chibatauta avo vanopa mazano enzira dzakasiyana dzekuona nadzo kuti huchi ndehwemachokwadi kana kuti ndehwenhema.

Dzimwe dzenzira idzi ndedzinotevera.
1. Kushandisa chigunwe – donhwe rehuchi rikaiswa pamusoro pechigunwe chihombe huchi hwacho haufaniri kuyerera huchidzika nechigunwe.

2. Kushandisa ivhu – donhwe rehuchi rikadonhedzwa paivhu harifaniri kunyura muvhu uye rinokwanisa kugara kwemaawa anosvika 24 kana kudarika risina kunyura muvhu.

3. Kushandisa bepa remabhuku kana chero bepa rekunyorera – donhwe rehuchi harinyorovese kusvika kuseri kwebepa iroro. Donhwe iri rinofanira kungogara pabepa ipapo, chero ukapeta-peta bepa iroro ukaridzvanya, huchi haufaniri kunyorovesa nekuseri kana kubudikira nekuseri.

4. Kushandisa mvura – donhwe rehuchi ukariisa mukapu, kunyanya yegirasi ukaisa mvura pamusoro wochukucha kapu yacho panofanira kubudikira mapeteni (hexagonal shapes) anogadzirwa nehuchi uye hazvifaniri kusangana mvura yacho nehuchi.

5. Kushandisa machisi – ukanyika kamuti kemachisi (match stick) muhuchi ukapukuta, ukakwenya kanofanira kubvira kwete kupfupfunyuka kumberi kwako.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×