KUFARISA kwagara kune ngozi nekuti kunoreva kufara kunenge kwapfurikidza zvekupinda parobhoti rakatsvuka nemudhudhudhu kuchiuya gonyeti.
Kufarisa idhimoni rinopfeka vanhu vakawanda zvekuti dhimoni iroro parinenge rakavabata, vamwe vanokuudzai kuti nzou inokwanisa kusungwa makumbo wotoikama mukaka. Vamwe vanoti rovambira hairume, vamwe vachiti moto haupise saka unogona kutougarira.
Jee ijee zvaro, asi dzihwa harigochwe, uye nzou haikwane mubhuti reHonda Fit. Pane mutsauko pakati pekuratidza kutsutsumwa, nekukonzera mhirizhonga, kuparadza, kupaza nekuba zvekusvika pakusimudza gejo kubva muchitoro.
Handisi kuti vakaba zvinhu zvikuru semagejo kana kubuda mubhucha wakabipitira mombe yese ndivo chete nhunzvatunzva, kwete.
Kana nevakaba girosari, makanga muchizviitirei?
Kuba kwamakaita kwakanga kunei nekugadziriswa kwedambudziko rekukwira kwemafuta edzimotokari?
Runyararo nekugara zvakanaka tichitevedza mitemo ndicho chimwe chezvinhu zvakakoshesesa. Asi kana tikange tisisatye kunopinda muzvitoro tichinotora zvinhu, tichibuda tisina kubhadhara, tinenge tave kushandisa rusununguko rwedu kuitira tsvina mundiro dzesadza.
Hatisi mhuka, tiri vanhu. Matambudziko haagadziriswe nehupenzi hwekupaza nekuba.
Ichokwadi vamwe vari kuti kuoma kwehupenyu munyika yedu kunobvisa runyararo nerugare. Asi kupaza, kuba nemhirizhonga ndizvo here zvinogadzirisa matambudziko edu? Rugare harwuuye nekupaza, kuba nekurwa, nekuti chinokura chichirwa ingwe, kwete munhu.
Kana tikasave nemutemo nekuda kwekuti tiri kuda kugadzirisa matambudziko, tinenge tafanana nemunhu ari kupisa imba yake nekuti mapinda nyoka.
Kana ukapisa imba zvese nenyoka yacho ucharara pai?
Saka kana ukaba gejo kana chimwe chinhu, uchati here wagadzirisa matambudziko ako neenyika? Uri kuona here kupusa kunokonzerwa nekufarisa? Kana uchinge wazadza imba yako nezvinhu zvekuba, kana mapurisa achinge ave kufamba achitsvaga vakaba, uchazoziva kuti nzou haisungwe makumbo netambo, uye haikamike.
Takambozviona rimwe gore vanhu pavakaba muzvitoro paTown Centre, kuChitungwiza. Takaona vanhu vachimhanya vakabipitira zvidya zvemombe zvavakanga vaba mumabhucha. Asi mutemo wakazoti wotsvaga vakaba, weave dzakasara dzaita sesora reChirimo ratsva.
Kurwa nekuita mhirizhonga zvine dambudziko rekuti zvinozvara manyemwe. Ichokwadi kuti tinoda mari inokwana kutenga chingwa, tinoda kuti zvipatara zvirape vanhu, tinoda kuti peturu iwanikwe pamwechete nezvese zvakanaka. Asi chandinoziva ndechekuti muti wemuchero haudi kurwiswa nematombo kuti ukupe michero.
Kana ukapotsera muchero, paunozodonha unogona kuudya wazara mavhu kana kuti wakuvadzwa nematombo zvekuti haukunakire. Hakuna hondo yakambonzi ihondo yakanaka, uyewo hakuna runyararo rwakambonzi rwakashata.
Ichokwadi kuti zvatinoda hazvisizvo zvatinodya, kana patinorara hapasipo patinoda kurara. Kana mari yatinotambira kubasa kwedu, haisiyo yatinoda.
Asi kusafara kwedu ngakusvike nenzira yakanaka. Kusawirirana kwedu nemashoko evakuru ngakutaurwe, ivo vakuru votsvaga nzira dzekubatsira nadzo vanhu. Asi kupaza, kuba nemhirizhonga hazvivake musha.
Kubatsirwa nekunzwikwa kwedu kunobva pakutaurirana chokwadi nekuteererana. Hazvisi zvese pane zvatinoda zvatingawane, asi tikafunga kuti mhirizhonga, kuba nekupaza zvinovaka tichaona kuti tichagara tichirwa.
Saka dai vanhu vari kutungamirira kutsutsumwa kuri kuitika vazivikanwa kana kuti vabuda pachena, zvaibatsira kuti vataure vakamiririra vanhu.
Zvaizobatsirawo kuti vanhu vagone kuziva miganhu. Kushayikwa kwemusoro kunoita kuti dambudziko redu rifanane nepoto iri pamoto asi ichibvinza.
Kutsutsumwa kunoda kutaurirana, nekuti kuturirana kunoita kuti vanhu tive nezvibvumirano. Runyararo ishiri, rwunobhururuka. Namatirai nyika Mwari vanonzwa.



