O-LEVEL — KEREKE INOFA :Zvidzidzo zvirimo

Munyaradzi Gunduza—

7. Nyora zvidzidzo zvisere zveupenyu zvawakawana mumutambo Kereke Inofa uchitsigira nezvinoitika mumutambo uyu. [25]

Chidzidzo chekutanga chandakawana muna Kereke Inofa ndechekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje.

Izvi zvinojekeswa naPastor Mwenje vakanga vachiedza kuvanza pamuviri pavakapa Sarah nekuenda naye kuUK asi zvinozobuda pachena kuna Zebra murume waSarah naMary mudzimai wavo, pavanoonekwa vari muchipatara cheWest End naSarah abatsirwa nemwana.

Muna Kereke Inofa ndakadzidza kuti n’anga haizvirape. Izvi ndakazviwana kuna Pastor Mwenje vakanga vachinamatira vamwe vanhu vaida mbereko vachidziwana asi vaitadza kunamatira mudzimai wavo Mary kuti abatewo pamuviri sezvo ainetseka nekushaya mbereko.

Chimwe chidzidzo chandakawana mubhuku Kereke Inofa ndechekuti ukarera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma.

Chidzidzo ichi chinozadziswa naSarah akanga achisiiwa naMary pamba pake achimubatsira basa repamusha ozopihwawo mari.

Kumagumo azvo Mary anozorwadziwa aputsirwa imba naSarah akanga apihwa mwana nemurume wake, Pastor Mwenje.

Imwe dzidzo yandakawana muna Kereke Inofa ndeyekuti pafesibhuku hapadi kuitwa shamwari dzakawanda. Dzidzo iyi inoburitswa naBeauty paanenge achirayira hanzvadzi yake, Charles kuti fesibhuku inonyanya kuda kungwarirwa nekusaita shamwari dzakawanda nekuti dzimwe dzacho dzinozopedzisira dzamufurira.

Nyaya iri mubhuku Kereke Inofa yakandidzidzisa kuti ruchiva rwakaipa. Izvi ndakazvidzidza kuna Susan akaita ruchiva rwemari yechikomba chaBeauty chainzi Dance.

Anotanga kudanana naDance muchivande asi mhedziso yacho anozoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo.

Muna Kereke Inofa ndakadzidza zvakare kuti handifanire kudzingirira tsuro mbiri panguva imwe chete. Chidzidzo ichi chinozadziswa naBeauty akanga achiita zvechikoro kuUZ asi achiitazve zvekudanana nevarume vevanhu sezvaaiita naDance.

Izvi zvinoita kuti azoguma atapurirwa chirwere cheshuramatongo.

Mumutambo unonzi Kereke Inofa ndakawana chidzidzo chekuti chinamato chinoda mwoyo murefu.

Izvi zvinojekeswa kuburikidza naZebra akanga asina kutsungirira pakunamata kwaaiita kuchechi yeRevelations zvinoita kuti paanogumburwa naPastor Mwenje vapa mudzimai wake Sarah mwana, anobva apanduka ndokutanga kunwa doro zvekuraradza.

Kubva mubhuku rinonzi Kereke Inofa ndakadzidza kuti handifanire kutambira shamwari dzandisingazive pafesibhuku.

Izvi ndakazvidzidza kuna Beauty paanenge achidzidzisa hanzvadzi yake Charles, kuti arege kutambira shamwari dzaasingazive pafesibhuku nekuti dzinozoguma dzamupinza muzvikwata zvisina kururama zvakafanana nezvehusatani.

NB: Donongodza zvidzidzo zvekupanga mazano zvatinowana mumutambo Kereke Inofa.

* Mubvunzo uyu wakafanana neuri pamusoro (7) asi changosiyana chete mazwi ashandiswa pakubvunza zvidzidzo zvinowanikwa mubhuku.

 

Nhare: 0772 610 360 Email: [email protected]

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *