O-LEVEL — NDIKO KUSASANA: Lily anoda kuti nyaya yaSekai ichipera

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 7 (Ongororo: Enderero mberi):
Muchirongwa ichi maikurukurwa nezvevanhu vanotsvaga mari vachinyepedzera urema kana chimwe chinhu chinenge chavaita kuti vasava nemari. Mushamarari akatoti munyika dzakaita seBrazil vabareki vanotoremadza mwana kwava kumushandisa kukumbira mari. Nzira dzakadai dzakashoropodzwa nevatereri. Munyaya iyi zvechokwadi, Sekai haana nemari yose saka kuzofunga zano iri kuti aone kubatsirikana.

Sekerambabvu yakapomhodzwa inoonekwa ichishandiswa Sekai apo anosungwa ndokusvikopfigirwa kukamba yemapurisa akaona nhamo tsvuku. Paanonzi achibuda aende kumba zvinomushamisa, munhu ndokuonekwa aramba akamira.

Achiona kudai, sajeni vanomubvunza, “Asi mava kuda zvepano kanhi amai?” Tinonyatsoona kuti sajeni ava vari kusekera mumbabvu (being sarcastic) nekuti tinoziva kuti hapana munhu ajaira upenyu hwakanaka angafarira upenyu hwemuchitokisi.

Kudimikira kunoti netsei kukuwama asi kunowanikwa kwacho kunoita kuti mutauro unakidze kuuverenga. Apo vari kukurukura Sekai anoratidza kugumbuka maererano nenyaya yekuti mari yose iri musefa mumba maMugadzi ichasara ichidyiwa naMugadzi naLily. Maitiro akadai anoratidzwa kusabatwa kwakanaka saka achidimikira achiti, “Handingambobatwi nekuseri kweruoko zvakadaro ini” (92). Hapano pakuchiti Sekai uya ava kuenda kumusha, mwana wemunhu anozvichenesa zvekuti varume vanga vari mubhazi vanoshaya kuti vomutanga sei zvinonzi, “Kuchena kwaive akaita kwaitomedzesa mate” (94).

Sekai ainge ajaira upenyu hwehutepfetepfe neunyorododo “asingazivi kuti pasi pano panorarwa nenzara, pane vamwe vasina zvokupfeka, pane vamwe vanoshupika nekushaya rufaro.” Aivazve aroorwa kune zvaipfuura zvaiwanikwa pamusha pake (85).

Magumbeze aakapihwa kuti afuge aimubaya-baya uye ainhuhwa netsvina. Tinobva tanyatsa kuona kutambura kwaakaita kana tichinzwa zvichinzi “. . . inda ndidzo dzakazomutambisa chamutavanhava” (85).

Munyori dzimwe nguva anombotaura achipawo pfungwa dzake. Izvi tinozviona zvichiitika papeji 84 apo anoti, “. . . kana misodzi inoperawo, kuchema kunobva kwarambisisa”.

CHITSAUKO 8 (Nyaya yacho):
Lily anozoburitswa muchipatara mushure memasvondo matatu. Mumwe musi achnoedza kudzora pfungwa dzemurume wake dzekuti nyaya yekurwa kwaLily naSekai idzorerwe kumapurisa inopedziswa. Anokumbira murume wake kuti nyaya iyi ichipera zvayo.

Vanombokakavadzana nenyaya iyi dzamara murume azoti paakatora Lily ainge atoramba Sekai nechekare. Anogona kuuya zvake kuzotora mbatya dzake. Lily anozotaurira Mugadzi kuti vana vake vari kuratidza kushaya mufaro kubva zvaauya pamba apa Mugadzi ndokuti vachajaira.

Lily anodzidza kuti hapana munhu aibikirwa naMasimba uyo Mugadzi waanovimba naye. Akamboshandirwa nekamwe kamambara kemunhu kainzi Jackson ako kaiputa fodya kasingatengese uyewo kaibvuma kudyiwa nevasikana. Akazokadzinga nemwedzi mumwe chete chaiwo.
Charles kanochemera ice cream Mugadzi ndokutenga nhatu. Charles anofunga kuti ndedzake dzose ozoti aona Lily achidya ice cream oti vakamboona vakuru vachidya ice cream here izvowo zvinoita kuti Lily naMugadzi vaseke.

Chipunza anobva asvika ndokumboita hake zvejee nambuya vake Lily. Lily anozosimuka oenda kunobika Chipunza kwava kusara achipinza shoko raauya naro rokuti aona munyai waMugadzi, Chekure, achisvika kumba kwake nerokuti Mugadzi zvaaramba Sekai, vabereki vake vanoda gupuro.

(Enderero mberi svondo rinotevera.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×