Kingstone Mapupu
MUDZIMAI anogara kuDatvest, mumusha weChikanga, kwaMutare, ari kushungurudzwa zvisina akamboona — muviri wake wose wangova mavanga nemaronda manyoro ekuchekwa-chekwa nezvinhu zvaasingaone.
Nhengo dzemuviri wake — kusanganisira muzvidya nesikarudzi — zvinochekwa nechinhu chaanonzwa kuti ibanga, asi munhu anoita izvi asingamuone.
Sezvinonzi izvi zvishoma, mudzimai uyu anoti pane minwe yavanoona ichinyora neropa kumadziro emba yavo uye mubhedha wavo unongobatira moto.
Dambudziko rekungochekwa nemapanga iri rinonzi riri kuenda nekuvana vavo vaviri vanoti wemakore gumi newemakore matatu okuberekwa uye mumwe wacho “anombobhururuka” mudenga.
Svondo rapera mudzimai uyu akaperekedzwa nemurume wake kubva kwaMutare vachizopotera kuKwayedza nekuchirongwa cheTilda Live Show icho chinoitwa panhepfenyuro yeStar FM.
Anoti pasvika dambudziko rake zvava kutoda rubatsiro rweveruzhinji.
Patricia Chauke (27) anoti dambudziko rekuchekwa muviri wake rakatanga apo akatukana neshamwarikadzi yemurume wake, Bryn Chipangura (33).

“Zvakatanga mugore ra2017 apo ndakatanga ndichitemwa nematombo aingobva mumhepo izvo nanhasi zvichiri kungoitika. Ndinoti ndikatemwa nematombo aya, ndinodonhera pasi kana kuzvimba musoro nekumeso ukuwo ndichichekwa muviri wose kusanganisira sikarudzi yangu zvekuti ndinosara ndave kungobuda ropa remaronda.
“Asi maronda andinoita anongopedza mazuva maviri obva apora. Ropa remaronda ekuchekwa randinobuda panguva iyoyo rinoita sekunge riri kutorwa nemhepo kana kunanzwa. Izvi zvakangotanga ndatukana neshamwarikadzi yemurume wangu iyo nanhasi uno iri kuramba ichidanana naye,” anodaro Chauke.
Anoti ane mavanga muviri wake wose ndokubva aratidza Kwayedza kuti izvionere.
Chauke anoti akambotanga achidzipwa akarara uye dzimwe nguva akazomborutsa nyama mbishi yaasina kuziva kuti yaiva yei.
Nemusi weChipiri svondo rapera apo iye nemurume wake vaiva mubhazi vachibva kwaMutare vakananga kuHarare, anoti akatombochekwa kusikarudzi yake nemapanga emasaramusi aya, achibva atotanga kubuda ropa veruzhinji vachiona.
Chauke anoti mumwe wevana vavo akambobhururuka kubva pamubhedha achinobata mudenga remba izvo zvaanoti vakatya nazvo zvikuru apo mwana uyu akazotanga kutaura semunhu asvikirwa.

“Mumba mubhedha wedu unongotsva nemoto watisingaone kuti wabva kupi uyo wakatsva mazuva maviri akasiyana. Mubhedha uyu wapera kutsva uyezve mifananidzo yedu inongotsva iri kumadziro. Pumusoro pezvo, kune minwe inonyora kumadziro emba neropa,” anodaro.
Mashoko ake anotsinhirwa naChipangura achiti matambudziko ose aya akatanga apo mudzimai wake akatukana neshamwarikadzi yake.
“Ichokwadi, mudzimai wangu nevana vari kuchekwa nezvinhu zvisingaonekwi uyewo vanorohwa nematombo anongobva mumhepo. Mudzimai wangu sikarudzi yake yapera kuchekwa, anombotaura nezwi rekuratidza kuti akasvikirwa achiti ndinofanirwa kumutevedzera zvaanenge achiita,” anodaro.
Chipangura anotsinhira zvakare kuti ari kudanana nemukadzi waakamborambana naye akabva pamuviri.
“Vadzimai vangu vanorutsa ropa vakagara tichishaya kuti rinobva kupi,” anodaro.
Murume uyu anoti rimwe zuva mudzimai wake akamboenda kuchipatara atemwa paruoko nedombo akanzi asonwe, asi mushure memazuva mashoma, ronda iri rakabva rapora.
“Rimwe zuva takangonzwa vadzimai vangu vachichema ini ndokuona zidombo raisimuka kubva mubhaketi umo aigezera kumeso richimutema kumeso,” anodaro.
Chipangu anoti kwavari kufamba vanoudzwa kuti akaroora mukadzi wechikwambo, saka ndizvo zviri kukonzera matambudziko aya.
Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanovabata panhamba dzinoti 0772 761 348 kana 0779 567 004.
Tumirai zvamunofunga pamusoro penyaya ino panhare dzinoti: 0714 200 007




