Kingstone Mapupu
MURUME n’anga anogara kuEpworth ane katsika kekuti kana achishandira vanhu, anouraya huku achiita zvekuiruma, okwekweta kunwa ropa racho rose richidziya, zvose nemakushe acho – imwe nyama ozonosiya kumakuva.
Anoti huku dzose dzaanouraya achiita zvekuruma nemazino, anongonwa ropa racho, obva anodziisa kumakuva uko nyama yacho “inodyiwa neshumba dzemudzimu”. Kwayedza yakazvionera n’anga iyi ichiuraya huku nekuiruma nemazino.
Clifford Gombwe (23), uyo kumusha anobva kuMozambique uye achizivikanwa saSekuru Gombwe, anoti anoruma huku nemazino nekuzonwa ropa racho senzira yekushandira vanhu avo vanoenda kwaari nematambudziko avo.
Vamwe vevanhu vanoenda kun’anga iyi vanenge vachida kubatsirwa kudzosera zvakaipa kuvene vazvo.
“Hondo yeropa inopera neropa, saka kuruma kwandinoita huku nemazino ndivasekuru vanenge vakasvika pandiri. Ndinomedza ropa rinenge richibuda pahuku, rimwe richidonhera mundiro yemuti kudzosera chakaipa kune anenge akakutumira chingava chitsinga kana chii.
“Ndidzo mhiko dzedu kuburikidza nehuku yandinodambura musoro nemazino. Kureva kuti kudambura kunoitwa huku iyi musoro, chakaipa chawakaitwa chinenge chichidzokera kumuridzi wacho — ndiko kuuraya kwandinoita vanhu ikoko,” inodaro n’anga iyi.
Inoenderera mberi: “Hapana hutsinye apa, ropa randinonwa iri musafunge kuti ndini wenyama ndinonwa, kana makushe andinomedza aya handisini, asi kuti imhondoro iri pandiri.”
Kwayedza yakawana padare ren’anga iyi paine vanhu vaiitirwa mhiko idzi apo yaiuraya huku ichiita zvekuruma.
Obvunzwa pamusoro penyaya yekuti iye semunhu, homwe yacho haizorwariswa here nekunwa ropa rehuku riri mbishi, Sekuru Gombwe anoti haarware.
“Ropa iri rinonwiwa naSekuru Gombwe kwete nehomwe (munhu anosvikirwa). Svikiro riri pandiri harigare kuno asi kuMozambique, kana ndiri kuno kuZimbabwe handinwe mvura yekuno asi doro chete. Mvura ndinonwa murwizi Kamukoro rwekuMozambique,” anodaro.
Huku dzinouraiwa nemazino dzichiita zvekudamburwa mitsipa nemisoro nen’anga iyi dzinonzi hadzidyiwe asi kuti inoti inoenda nadzo kumakuva ekuEpworth, uko inonoteketera zvichienderana nezvinodiwa nemunhu anenge achishandirwa.
Sekuru Gombwe anoti anozosiya huku idzi pamusoro pemakuva apo dzinonzi dzinozodyiwa neshumba. Zvisinei, kuEpworth hakuzivikanwe nekuva neshumba.
“Tikasiya huku idzi kumakuva uku, mangwana acho mukaendako hakuna chamunosvikowana, kana gushe chairo – huku idzi dzinenge dzadyiwa nemhondoro dzatinoti shumba dzemidzimu. Shumba idzi hadzionekwe nevanhu vose-vose, asi nevanosvikirwa nevane mashavi bedzi.”
Votaura nezvinoitwa nen’anga iyi, Sekuru Friday Chisanyu – avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu – vanoti zviri kuitwa ndizvo zvinodiwa neshavi rinosvika pairi.
“Mudzimu kana kuti svikiro roga-roga rine mashandiro aro, kunwa ropa kunoitwa nemunhu akasvikirwa, kwete munhuwo zvake. Kana zvakadaro, hapana kurwara kunoita munhu iyeye, kune atinoti madiramhamba aye emisha aipihwa mazita evakuru vemisha. Musi unouraiwa bhuru iri, svikiro remusha uyu raitonwa ropa rakanatira pahuro mombe iyi ichipupa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.
Vanoti pane masaramusi akawanda anoitwa nevanhu vanosvikirwa anosanganisira kuti munhu anogona kupinda pasi pemvura achigarapo kwenguva yakareba, izvo zvisingakwanisike kuitwa nemunhu asina mudzimu.
. Tumirai zvamunofunga pamusoro penyaya ino panhare dzinoti: 0714 200 007




