‘Oda kundidyisa nduru yegarwe’

Hazel Marimbidza ari kuBULAWAYO
MUDZIMAI wekuMpopoma, kuBulawayo, anoti ashaiswa rugare navamwene vake avo vanomupomera kuti muroyi uye kuti anogara nenduru yegarwe iyo anoda kushandisa kuvauraya.

Ellen Katsvinde akataura mashoko aya mudare reWestern Commonage Magistrate’s Court uko aikumbira kudzivirirwa achiti ari kuonenswa ndondo naTshaziwe Dube.

“Ndiri kukumbirawo gwaro rinondidzivirira kubva kuna vamwene vangu. Vanogara vachinditi ndiri muroyi uye vanoti ndinochengeta nduru yegarwe iyo ndiri kushandisa kuti ndivauraye,” anodaro Katsvinde achisvimha misodzi.

Anoti kubvira paakaroorwa, haasati ambowana runyararo nekuti vamwene vake vanoda kuparadza wanano yake.

“Vari kukanganisa chimiro changu nekuudza vanhu kuchechi kuti ndiri pfambi. Vakandiona ndichifamba nemunhu upi zvake vanondituka vachiti ndine chirwere chenjovhera.

“Vanotumirawo mashoko nenhare kuvanhu vachiti ndiri murwere wepfungwa.

“Vanondityisidzirawo vachiti vanoda kundirova. Handisisina shamwari nekuti vanogara vachindinyadzisa pane vanhu. Dare ringandibatsirewo here ndapota hangu kuti izvi zvose zvipere?” anodaro Katsvinde.

Dube anoramba zvaari kupomerwa nemuroora wake.

“Hapana zvandinoziva pamusoro pezvose zvaaari kutaura,” anodaro Dube.

Mutongi Urgent Vundla akapa Katsvinde gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *