Oita zvinorova nekurima matomatisi . . . kupihwa ivhu kwobhadhara

Kingstone Mapupu

MURIMI akagariswa patsva neHurumende kumindamirefu yeWinimbi kwaMambo Svosve, kuMacheke oita mukurumbira wekurima zvirimwa zvinosanganisira matomatisi izvo zviri kuita kuti akwanise kuraramisa mhuri yake.

VaAntony Shonhiwa (48) vekuVillage 9 mudunhu raMambo Svosve vanoti chekutanga vanotenda Hurumende zvikuru nekuwaniswa munda.

“Taigara kuminda izere matombo mutuminda tudiki zvikuru uko taiva takamanikwa nevachena vaiva muno. Nyika ndokusununguka mugore ra1980, vabereki vangu vakapihwa minda iyi mugore ra1986. Tose vana tiri kubatsirika zvikuru nekurima minda iyi. Izvozvi ndinorima matomatisi, muriwo, mbambaira, chibage, mupunga nezvimwe sezvo minda yedu iine mvura yakawanda zvikuru inova matoro,” vanodaro VaShonhiwa.

Murimi uyu akarima matomatisi pamunda wakatandavara yeka imwechete ayo ave kuibva.   

“Matomatisi aya ava kuibva uye tinoatengesa kuMarondera, Harare neMacheke. Tine vamwe vanobva kuMozambique vachizohodha kuno vatinoti Madhiya, avo vanouya nemaUS$. Ukaona vakusvikira pamunda wagarika, vanotenga US$16 kana US$17 pabhokisi,” vanodaro VaShonhiwa.

Dambudziko ravo guru vanoti kudhura kwave kuita mafuta edzimotokari uyewo nekushaikwa kwawo izvo zvava kudzosera basa ravo kumashure.

“Motokari ndinayo asi unoona kuti ukadira mafuta kuti unosvika kuHarare kana kuMarondera pakutengesa unoguma wawana mari shoma pane yaunofanirwa kuwana. Saka tinoguma tave kumirira vanouya vachihodha kuminda yedu kuno. Imwe nguva tinogumisira tave kutadza kudzokera kuminda zvizere kuti titenge mbeu yacho, feteraiza nemishonga zvinenge zvave kunetsa,” vanodaro VaShonhiwa.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *