Sabhuku opikira kutengesa ivhu

Muchaneta Chimuka

SABHUKU Masona wekwaSeke svondo rapera akabatwa nemhosva mudare yekuita huwori hwekutengesera vanhu vaviri sitendi imwe chete yekuvakira pekugara zvikaita kuti atongerwe kunofondoka kwemaawa 105 pasina mubhadharo pachimwe chikoro cheko.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Arnold Maburo akapa Sabhuku Kennedy Masona (49) chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Akazomubvisira mwedzi mitatu nechitsidzo chekuti haafanire kupara imwezve mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mwedzi mitatu yainge yasara yakaraswa nechitsidzo chekuti anofanira kunofondoka kwemaawa 105 paMudyarawanza Primary School iri kwaSeke kwekare.

Muchuchisi Tendai Katonha anoudza dare kuti muzuva risingazivikanwe nedare asi muri mumwedzi waGumiguru gore rapera, mumhan’ari David Matinyarare (39) akaenda kumusha kwake mudunhu maSabhuku Masona achibva aona kuti pane munhu akanga atovaka imba pamusha pake.

Mushure mekubvunzurudza nezvenyaya iyi, akaudzwa kuti munhu akavaka akanga atengeserwa naSabhuku Masona nemari inosvika US$1 000.

Matinyarare akanobvunza sabhuku uyu achibva abvuma kuti akaitengesa achiti ane masimba ekuita izvi sasabhuku wenzvimbo.

Matinyarare akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Sabhuku Masona asungwe.

Sabhuku uyu akabatwa nemhosva yekushandisa masimba ehofisi yake nepasiri ipo (Criminal Abuse of Office As Defined in Section 174 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23).

Zvisinei nekuti Sabhuku Masona akaedza kuramba mhosva iyi, akarovererwa neumboo hwakapihwa mudare.

“Ini sabhuku nemakurukota angu takapa Ronald Maziva pekugara, hatina kumutengesera,” anodaro achiedza kuvhika mhosva.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *