Oita zvinorova neMoneyMaker

NYAYA dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi dziri kuramba dzichicherechedzwa zvikuru muchikamu chezvekurima apo madzimai ane chitsama ari kuwanikwa ari kukwikwidzawo mukurima mbesa dzakasiyana.

Svondo rino neChipiri, Kwayedza yakashanyira Mai Susan Mhondiwa (41) vekwaSabhuku Seve kwaMambo Seke avo vari kuita zvinorova kuburukidza nemadiridziro emhando yeMoneyMaker Max Pump.

“Ndave nemwedzi mitatu ndichishandisa muchina uyu mukudiridzira bindu rangu uye ndiri kuona zvichindifambira zvikuru nekuti haushandise magetsi, dhiziri, peturu kana simba rakawanda. NeMoneyMaker Max Pump unodiridza pamadiro munda uchisara uine mwando wakakwana,” vanodaro Mai Mhondiwa.

Vanoti vasati vatenga muchina uyu vaishandisa migoro mukudiridzira bindu ravo pamwe nekuwanisa zvipfuyo zvavo mvura yekunwa zvinova zvairwadza zvikuru uye zvichitora nguva yakareba.

“Ndinorima mbatatisi, matomatisi, hanyanisi, muriwo nekupfuya huku, madhadha, matoki, mombe, mbudzi nehanga. Zvose izvi zvinoda mvura yakakwana kuti zvirarame saka ndakachera matsime angu maviri anondipa mvura yakakwana ndichizobatsirwa nemuchina weMoneyMaker Max Pump mukudhonza mvura ndichiendesa mumunda kana mumadhiramu kuti zvipfuyo zvangu zviwane  mvura yekunwa. Tinokanya zvakare zvidhinha zvekuvaka nezvekutengesa tichishandisa mvura yatinodhonza nemuchina uyu saka uri kutibatsira zvikuru kuti tiite mari muno kumaruwa,” vanodaro.

VaBrian Vere vanove mukuru anoona nezvekutengeswa kwemichina yemadiridziro iyi kukambani yeBlagefields Marketing (Pvt) Ltd vanoti varimi vazhinji vari kufona vachitsvaga michina yavanogadzira kureva kuti iri kuvabatsira mukufambisa mabasa avo ekurima zvakanaka.

“Tinokurudzira varimi, zvikuru vefodya kuti uyu ndiwo mukana wekuti vange vachigadzirira kurima nenguva kuti vabate mwaka uye kuti vashandise chikamu che5  percent (export incentive) mukutenga michina yemadiridziro nekuti zvirimwa zvizhinji zviri kuparadzwa zvikuru nezuva, zvikuru sei munguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze apo mvura iri kunaya apo neapo.”

Vanoenderera mberi vachiti, “Kuvarimi ndinoti ngatiregei kuzochema nataisireva takundikana kurima nekuti madiridziro ndiyo bedzi nzira yekuti tiwane goho rakanaka tichifambirana nechirongwa cheHurumende cheZimAsset kuti nyika iwane maguta,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *